Enda pane zvauri kuda

Dzidzisai Vana Venyu

“Akaramba Akanamatira Kuna Jehovha”

“Akaramba Akanamatira Kuna Jehovha”

WAKAMBOUDZWA kuti unamire mufananidzo papepa here? * Kana guruu rauri kushandisa rakanaka, mufananidzo wacho ucharamba wakanamatira. Shoko rokuti “kunamatira” rinoreva kuramba chinhu chakati kwati-kwati kune chimwe chinhu zvokuti hachibvi. Tinoda kumbotaura nezvemunhu anotaurwa neBhaibheri kuti “akaramba akanamatira kuna Jehovha,” Mwari wechokwadi. Zita rake ndiHezekiya. Ngationei kuti tingadzidzei pamuenzaniso wake.

Hezekiya paaikura, mumhuri mavo zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka. Baba vake Ahazi, avo vaiva mambo waJudha, vakatsauka pakunamata Jehovha. Hezekiya paakanga achiri kakomana, Ahazi ndiye aitotungamirira vanhu pakunamata zvidhori. Akatoita kuti vamwe vanakomana vake vaurayiwe sezvibayiro kuna mwari waainamata.

Kunyange zvazvo Ahazi airamba achiita zvinhu zvakaipa, Hezekiya akaramba achiteerera Jehovha. Unofunga kuti izvi zvakanga zvakamuomera here?— Zvinofanira kunge zvaiva zvakaoma. Asi Hezekiya haana kumbokanda mapfumo pasi. Ngationei kuti chii chakaita kuti arambe akanamatira kuna Jehovha uye kuti tingamutevedzera sei.

Hezekiya akadzidza nezvevamwe vakaramba vakanamatira kuna Jehovha. Dhavhidhi aiva mumwe wevanhu ivavo. Kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga atova nemazana emakore afa, Hezekiya aigona kudzidza nezvake muMagwaro. Dhavhidhi akanyora kuti: “Kunyange kana baba vangu naamai vangu vaizondisiya, Jehovha aizonditora.”

Unoona here chakabatsira Dhavhidhi kuti ateerere Jehovha?— Kutenda kwaaiva nako! Dhavhidhi aiva nechokwadi chokuti Jehovha aizomubatsira kana akateerera. Aiziva kuti ndizvo zvaizoitika. Hapana mubvunzo kuti kufunga nezvaDhavhidhi kwakabatsira Hezekiya kuti anamatire kuna Jehovha nokumuteerera. Iwewo unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achakubatsira kana ukanamatira kwaari nokumuteerera.

Ko kana baba vako kana kuti amai vako vasinganamati Jehovha?— Mwari anoti vana vanofanira kuteerera vabereki vavo. Saka unofanira kuteerera vabereki vako. Asi kana vabereki vako vakakuti uite zvinorambidzwa naMwari, unofanira kuvatsanangurira kuti nei usingazozviite. Haufaniri kunyepa, kuba uye kuita chero chinhu chinotaurwa naMwari kuti chakaipa pasinei nokuti ndiani akuudza kuti uchiite. Zvakanaka kuti uteerere Mwari.

Pane vanhu vakawanda vatinogona kutevedzera. Hezekiya haana kungotevedzera muenzaniso waDhavhidhi chete asi akatevedzerawo muenzaniso wasekuru vake Jotamu. Hezekiya aigona kudzidza kwaari sezvatiri kungoitawo tichishandisa Bhaibheri. Pane vamwe vakaita zvakanaka vaunofunga kuti tingatevedzera here?

Ichokwadi kuti muBhaibheri unogona kudzidza nezvezvakambokanganiswa naHezekiya, Dhavhidhi, Jotamu nevamwewo vanhu vaiva nechivi. Asi vanhu ivavo vaida Jehovha, vaibvuma zvavaikanganisa uye vaiedza kugadzirisa kuti vaite zvakanaka. Rangarira kuti Jesu chete Mwanakomana waMwari ndiye akanga asingatadzi. Zvinokosha kuti tinyatsodzidza nezvake toedza kutevera muenzaniso wake.

^ ndima 3 Kana uri kuverenga nomwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.