Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 Zvevechiduku

Ngwarira Kuda Chinzvimbo!

Ngwarira Kuda Chinzvimbo!

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanotaurwa. Ngazviite sokuti zviri kutoitika.

Vanhu vanonyanya kutaurwa: Dhavhidhi, Absaromu, Joabhi

Nyaya yacho muchidimbu: Absaromu anoedza kubvuta chigaro chababa vake.

ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA 2 SAMUERI 14:25-33; 15:1-17; 18:9-17, 30-33.

Rondedzera zvaunofunga kuti ndizvo zvakaita Absaromu. (Verengazve 2 Samueri 14:25, 26.)

Unofunga kuti chii chaiitwa naAbsaromu uye kuti aitaura nenzwi rakaita sei paaiedza kuita kuti afarirwe nevanhu vaiuya kuna mambo kuti vazotongerwa nyaya dzavo? (Verengazve 2 Samueri 15:2-6.)

Unofunga kuti nyaya iri pana 2 Samueri 14:28-30 inoratidza kuti Absaromu aiva neunhu hwakaita sei?

DZAMISA PFUNGWA.

Absaromu akafanoitei kuti aedze kutora chigaro? (Zvingangokubatsira: Verenga 2 Samueri 13:28, 29. Amnoni aiva mwanakomana wedangwe waDhavhidhi saka ndiye aifanira kuzotora chigaro.[1])

Pasinei nokuti Absaromu aida chinzvimbo uye mbiri, mavigirwo aakaitwa anoratidza kuti vanhu vaimuona sei? (Verengazve 2 Samueri 18:17.)

Unofunga kuti chii chakaita kuti Absaromu apedzisire ava kuda chinzvimbo? (Enzanisa zvakaitwa naAbsaromu nezvinotaurwa pamusoro paDhiyotrefesi pana 3 Johani 9, 10.)

 Dhavhidhi akanzwa sei nezvakaitwa naAbsaromu? (Zvingangokubatsira: Verenga Pisarema 3 iro rakanyorwa naDhavhidhi panguva yakapanduka Absaromu.)

ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .

Zvakaipira kuda chinzvimbo.

Kuti zvinoitwa nemunhu zvingarwadzisa vabereki vake nevamwewo vanhu.

ZVIMWE ZVOKUTI UITE.

Chii chingaita kuti upedzisire wava kuda chinzvimbo?

Ungaita sei kuti usapedzisira wava kuzvikudza?

CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

Zvaungaita: Unofunga kuti chii chaizoitika kudai kuri kuti Absaromu akazvininipisa pane kuda chinzvimbo?—Zvirevo 18:12.