Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uori Huchapera!

Uori Huchapera!

“Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake . . . Vakaipa pavanoparadzwa, iwe uchazviona.”—PISAREMA 37:34.

VAKAWANDA vanofunga kuti hazviiti kuti munhu asaita uori uye kuti hahuzombofi hwakapera. Ndizvo zvaunofungawo here? Izvozvo zvinonzwisisika. Kubvira kare vanhu vanga vachiedza hurumende dzakasiyana-siyana. Asi hadzina kubudirira kupedza uori zvachose. Pachazombova here nenguva yokuti vanhu vose vanenge vasingachaitirani uori?

Zvinofadza kuti Bhaibheri rinoti nguva iyoyo ichasvika. Rinoti munguva pfupi iri kuuya Mwari achabvisa uori zvachose panyika. Achazvifambisa sei? Achashandisa Umambo hwake, kureva hurumende iri kudenga iyo ichagadzirisa zvinhu zvose panyika. Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengeterere Umambo uhwu. Mumashoko ake anowanzonzi Munyengetero waShe, Jesu akati: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika.”—Mateu 6:10.[1]

 Bhaibheri rakagara rataura nezveMutongi weUmambo ihwohwo, Jesu Kristu richiti: “Achanunura murombo anochemera kubatsirwa, pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri. Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo, uye achaponesa mweya yevarombo. Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba.” (Pisarema 72:12-14) Ona kuti Jesu anonzwira tsitsi vanhu vanoitirwa uori uye achapedza udzvinyiriri. Izvozvo hazvikunyaradzi here?

Mutongi uyu ane simba netsitsi achaita kuti Umambo hwaMwari hubvise uori zvachose panyika. Achazviita sei? Achabvisa zvinhu zvitatu zvinokonzera uori.

Chivi

Iye zvino tose tinorwisana nechivi icho chinoita kuti tide kungoita zvakatinakira tisingafungiwo vamwe. (VaRoma 7:21-23) Asi pane vanhu vakanaka vanoda kuita zvakarurama. Vanotenda kuti ropa raJesu rakateurwa rinokwanisa kuvadzikinura uye kuti vanogona kukanganwirwa zvivi zvavo. * (1 Johani 1:7, 9) Vanhu ivavo vachabatsirwa nerudo rukuru rwaMwari runotaurwa pana Johani 3:16 inoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”

Mwari achaitira vanhu vanoteerera zvinhu zvakanaka chaizvo. Munyika itsva iri kuuya, achabvisa chivi zvishoma nezvishoma, vanhu vopedzisira vavazve noukama naye. (Isaya 26:9; 2 Petro 3:13) Panguva iyoyo panenge pasisina chivi chinoita kuti vanhu vaite uori. Umambo hwaMwari huchaita kuti vanhu vakarurama vasunungurwe pauori.

Vanhu Vakaipa

Zvinosuwisa kuti vakawanda mazuva ano vanodzvinyirira vamwe. Vanodzvinyirira vanhu vakaderera nevarombo uye vanofurira vamwe kuti vaitewo zvouori. Bhaibheri rinonyevera vanhu ivavo kuti: “Munhu akaipa ngaasiye nzira yake, uye munhu anokuvadza ngaasiye kufunga kwake.” Kana vanhu ivavo vane uori vakapfidza, Bhaibheri rinoti Mwari “achakanganwira zvikuru.”—Isaya 55:7.

Zvisinei kana vanhu vakaomesa musoro vachiramba kuchinja mararamiro avo, Mwari haana zvaangaitawo kunze kwokungovaparadza. Umambo hwaMwari huchaita kuti vimbiso iyi yeBhaibheri izadzike yokuti: “Tarisira kuna Jehovha uchengete nzira yake . . . Vakaipa pavanoparadzwa, iwe uchazviona.” * (Pisarema 37:34) Kana vakaipa ava vaparara, vanamati vaMwari vakatendeka vanenge vasingachaitirwi uori.

Satani Dhiyabhorosi

Satani Dhiyabhorosi ndiye nhubu yenhubu dzose. Zvinofadza kuti munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achaita kuti Satani asatsausa vanhu. Nokufamba kwenguva Mwari achazoparadza Satani zvachose. Panguva iyoyo nhubu iyi ine utsinye hwakanyanya inenge isingachakwanisi kunyengera vanhu kuti vaite uori.

Kune vamwe pfungwa yokuti Mwari achabvisa zvose zvinokonzera uori ingaita sehope dzechembere kurota ichiyamwa. Unganetseka kuti, ‘Mwari anonyatsokwanisa here kugadzirisa zvinhu saizvozvo? Kana achizvigona, sei asati azviita?’ Hapana chakaipa nokubvunza mibvunzo iyi uye Bhaibheri rinoipindura zvinogutsa. * Tinokukumbira kuti uongorore zvinodzidziswa neBhaibheri nezveramangwana riri pedyo pachange papera uori zvachose.

^ ndima 8 Kuti uwane mamwe mashoko nezvokukosha kworufu rwaJesu, ona chitsauko 5 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 12 Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.