Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvinoita Here Kuti Munhu Atendeseke Munyika Ine Uori?

Zvinoita Here Kuti Munhu Atendeseke Munyika Ine Uori?

“Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VAHEBHERU 13:18.

TINOGONA kurarama tisingaiti uori pasinei nokuti tine chivi, tinogara munyika ine vanhu vasina kunaka uye Dhiyabhorosi ane simba rokutsausa vanhu. Tingazviita sei? Tinofanira kuswedera pedyo naMwari uye kuita zvaanotiudza muShoko rake Bhaibheri izvo zvava nemakore zvichiratidza kuti zvinoshanda. Ngatimbokurukura zviviri zvacho.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Musatevedzera tsika dzinoitwa nenyika ino.”—VaRoma 12:2, New Jerusalem Bible.[1]

“Bhaibheri rakandibatsira kuona zvakanakira kuvimbika.”​—GUILHERME

Zvakaitwa nevamwe: Guilherme[2] ndemumwe muzvinabhizimisi ari kubudirira wokuBrazil. Anobvuma kuti kutendeseka hakusi nyore. Anoti: “Muzvinabhizimisi anogona kutanga kuita uori zvichida nokuti anenge achikwikwidzana nevamwe kana kuti achida kubudirira. Vanhu vakawanda vanoona sokuti hapana chakaipa nokupanana chiokomuhomwe. Zvakaoma kuti munhu  asaita zvouori kana achangotanga bhizimisi uye aine zvakawanda zvinoda kubhadharwa.”

Kunyange zvakadaro, Guilherme akakwanisa kukunda muedzo wokuita zvouori. Anoti: “Munhu anokwanisa kuramba akavimbika mune zvebhizimisi kunyange vamwe vachiona sokuti hapana chakaipa nokuita uori. Unotofanira kusunga dzisimbe. Bhaibheri rakandibatsira kuona zvakanakira kuvimbika. Munhu akavimbika ane hana yakachena, akadekara mupfungwa uye anonzwa kuti munhuwo pane vamwe. Anogona kutokurudzira vamwe vake kuti vaitewo zvakanaka.”

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji uye kunokuvadza kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose.”—1 Timoti 6:9, 10, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.[3]

“Zvinondifadza kuti kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri kwakaita kuti ndive nezita rakanaka.”​—ANDRÉ

Zvakaitwa nevamwe: André[4] ane kambani inoita zvokuisa maalarm. Anoisirawo maalarm chimwe chikwata chakakurumbira chebhora. Rimwe zuva mutambo mukuru webhora wapera, André akaenda kumahofisi echikwata ichi akavapa risiti yebasa raakanga aita. Dhipatimendi rechikwata ichi rinoona nezvemari rakanga richiri kuita chipatapata chokuverenga mari yakanga yabva kumahofisi anotengesa matikiti. Sezvo nguva dzakanga dzafamba, foromani akamhanya-mhanya kubhadhara André nevamwewo vaida mari dzavo.

André anoti: “Ndava kuenda kumba ndakaona kuti foromani uyu akanga andipa mari yakawandisa. Ndaiziva kuti aisamboziva kuti ndeupi waakanga apa mari yacho. Ndakamunzwira tsitsi nokuti aitozofanira kutsiva mari iyi neyemuhomwe make. Ndakati regai ndidzokere. Ndakapitipidza nepakanga pakazara vatsigiri venhabvu ndichibva ndanodzorera mari iya. Foromani uya akakangwa mate mukanwa. Akanga asati ambodzorerwa mari nemumwe munhu.”

“Kutendeseka kwangu kwakaita kuti foromani uyu avimbe neni,” anodaro André. “Patopera makore akati wandei ndichishandira chikwata ichi kunyange zvazvo mamwe makambani aimbochishandira asisapiwi basa. Zvinondifadza kuti kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri kwakaita kuti ndive nezita rakanaka.”

Zvinofadza kuti Mwari anogona kutibatsira kuti tisafurirwa kuita uori. Zvisinei, vanhu havazombokwanisi kubvisa uori zvachose chero vodini. Dambudziko rouori rakadzika midzi zvokuti vanhu vane zvivi havangambokwanisi kuribvisa voga. Saka zvinoreva here kuti uori hauzombofi hwakapera? Nyaya yokupedzisira pane dzino dzakatevedzana ichapa mhinduro inokurudzira iri muBhaibheri.