Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

  Vaverengi Vanobvunza Kuti . . .

Kuva Nechitendero Kuzvinyengera Here?

Kuva Nechitendero Kuzvinyengera Here?

Vamwe vanhu vanozvinyengera vachiita zvinhu zvokungoti vasazvinetsa nokufunga. Somuenzaniso, vamwe vanonwa doro kuti vakanganwe nhamo. Pakutanga, doro ringaita kuti vanzwe vakashinga uye vachikwanisa kukunda matambudziko eupenyu. Asi nokufamba kwenguva, vaya vanonwa doro kuti vakanganwe nhamo vanozvikuvadza. Ndizvo zvazvakaitawo here nokuva nechitendero?

Vamwe vanoti kutenda kuputirwa pfungwa. Vanotaura kuti vanhu vezvitendero havadi kushandisa pfungwa kana kuti kuchinja zvavanotenda kunyange vakapiwa uchapupu hwechokwadi. Vashori vakadaro vanopa pfungwa yokuti vaya vakadzika midzi muchitendero chavo havaoni zvinhu sezvazviri.

Bhaibheri rinotaura zvakawanda nezvokutenda. Asi hapana parinotikurudzira kuti tingobvuma zvinhu zvatisina chokwadi nazvo. Uyewo harikurudziri kuti munhu agarire pfungwa. Rinototaura kuti vanhu vanotenda mashoko ose ose avanonzwa havana zivo uye mapenzi. (Zvirevo 14:15, 18) Chokwadi upenzi chaihwo kubvuma kuti imwe pfungwa ndeyechokwadi asi tisina uchapupu! Izvozvo zvingafanana nokuyambuka mugwagwa une mota dzakawanda takatsinzina nokungoti mumwe munhu ati tidaro.

Bhaibheri harikurudziri kuti tingotenda tisina uchapupu, asi kuti tirambe takasvinura kuti tisanyengerwa. (Mateu 16:6) Tinoramba takasvinura patinoshandisa ‘simba redu rokufunga.’ (VaRoma 12:1) Bhaibheri rinotidzidzisa kuti tifunge tichishandisa uchapupu hunenge huripo zvoita kuti tigume tava kuona zvinhu sezvazviri. Funga nezvemimwe mienzaniso kubva pane zvakanyorwa nomuapostora Pauro.

Pauro paakanyorera vaya vaiva muungano yeRoma, aisada kuti vatende kuti Mwari ariko nokungoti chete aivaudza kuti vadaro. Asi akavakurudzira kufunga nezveuchapupu hwokuti Mwari ariko. Akanyora kuti: “Zvaari [Mwari] zvisingaoneki, iro simba rake risingagumi nokuva kwake Mwari, zvinonyatsooneka kubvira pakasikwa nyika, nokuti zvinonzwisiswa panoonekwa zvinhu zvakaitwa, zvokuti [vaya vanoramba kuti Mwari ariko] havana chokuzvipembedza nacho.” (VaRoma 1:20) Pauro akataurawo zvakafanana paainyora tsamba yake kuvaHebheru. Akati: “Chokwadi, imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.” (VaHebheru 3:4) Mutsamba yaakanyorera vaKristu vaigara muguta reTesaronika, Pauro akavakurudzira kuti vasangotenda zvose zvose. Aida kuti vave “nechokwadi nezvinhu zvose.”—1 VaTesaronika 5:21.

Kutenda pasina uchapupu hune musoro hakuna zvakunobatsira, kunotsausa munhu uye kunomukanganisa pakunamata. Pauro akanyora nezvevamwe vanhu vechitendero vepanguva yake kuti: “Ndinovapupurira kuti vanoshingairira kushumira Mwari; asi havazviiti maererano nezivo yakarurama.” (VaRoma 10:2) Saka zvinokosha chaizvo kuti tiite zvakarayirwa ungano yokuRoma naPauro! Akanyora kuti: “Shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” (VaRoma 12:2) Kutenda kunobva pakuziva Mwari zvakarurama hakusi kuzvinyengera, asi kunotova “nhoo huru” inotidzivirira kuti tisakanganiswe pakufunga uye pakunamata.—VaEfeso 6:16.

Kutenda kunogona kuva nhoo inotidzivirira