Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Rugare Ngaruve Pavanhu Vaanotendera”

“Rugare Ngaruve Pavanhu Vaanotendera”

“Mwari ngaakudzwe kumusorosoro, uye panyika rugare ngaruve pavanhu vaanotendera.”—RUKA 2:14.

Chinoita kuti vamwe vapemberere Krisimasi.

Gore roga roga papa weRoma nevamwe vafundisi vemachechi vanoparidza nezvorugare, vachitarisira kuti nguva yeKrisimasi ichazadzisa mashoko engirozi okuti: “Panyika rugare ngaruve pavanhu vaanotendera.” Vamwe vanoenda kunzvimbo dzinoyera dziri kure kuti vanopemberera variko.

Sei vachitadza kubudirira?

Rugare rwepanguva yeKrisimasi nderwenguva pfupi chete. Somuenzaniso, pairwiwa Hondo Yenyika I muna December 1914, masoja eBritain neGermany akabuda mumakomba maakanga akahwanda achirwisana ndokupemberera Krisimasi pamwe chete. Vakadya nokunwa pamwe chete, vachisiyirana fodya. Vakatotamba vose bhora. Asi kuwirirana kwacho hakuna kumbogara kwenguva refu. Mutsamba yakabva kumasoja aya airwisana, mumwe musoja wokuBritain akati musoja wokuGermany akamuudza kuti: “Nhasi tiri kudyidzana. Mangwana iwe unenge uchirwira nyika yako, ini ndichirwira yangu.”

Ndezvipi zvinotaurwa neBhaibheri zvingabatsira?

“Takaberekerwa mwana . . . Achanzi . . . Muchinda woRugare. Kukura kwokutonga kwomuchinda wacho norugare hazvizogumi.” (Isaya 9:6, 7) Uprofita ihwohwo hunotaura nezvaJesu Kristu hahunyaradzi here? Jesu haana kuuya pasi pano kuzongoita kuti pave nezuva rimwe chete rorugare pagore. SeMutongi ari kudenga, achaita kuti panyika pave norugare rusingaperi.

“Kuti muve norugare nokwandiri [Jesu]. Munyika munotambudzika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.” (Johani 16:33) Kunyange mazuva ano, Jesu ari kubatsira vateveri vake kuti vagarisane murugare. Ichokwadi kuti vaKristu vari kusangana nematambudziko. Asi Bhaibheri rinovabatsira kuziva kuti nei vanhu vachitambura uye kuti Jesu achazvifambisa sei kuti panyika pave norugare. Izvi zvinoita kuti pfungwa dzavo dzidekare.

Kutevedzera dzidziso dzaJesu kunoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvigarisane pasinei nokusiyana kwenyika dzavanobva, ganda ravo, dzinza ravo uye mutauro. Kana uchida kuzvionera enda pamisangano yavo yavanoitira paImba yoUmambo. Pamwe uchabvumawo sezvakaitwa nevakawanda kuti rugare irworwo ruri nani kupfuura runowanika paKrisimasi.

Zvapupu zvaJehovha zvakabatana pasinei nokuti vakasiyana ganda kana mutauro. Kana uchida kuzvionera enda pamisangano yavo yavanoitira paImba yoUmambo