Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvaverengi Vedu

Kuvaverengi Vedu

Magazini ino yauri kuverenga yakatanga kubudiswa muna July 1879. Sezvo zvinhu zvange zvichichinja kubva panguva iyi, magazini ino yange ichichinjawo. (Ona mifananidzo iri pamusoro.) Kutanga nemagazini ino, uchaona kuti pane zvimwe zvachinja paNharireyomurindi. Zvii zvachinja?

Ruzhinji rwevanhu munyika dzakawanda rwava kufarira kutsvaga mashoko paIndaneti. Pavanovhura paIndaneti, zviri nyore kwavari kuwana mashoko akawanda anongowanika ipapo chete. Mabhuku akawanda, mamagazini nemapepanhau zvinogonawo kuverengwa paIndaneti.

Tichifunga izvi, takachinja mabudiro epeji yedu yepaIndaneti inoti www.pr418.com kuti ive nyore kushandisa uye kuti ibude zvinoyevedza. Vanovhura papeji iyi vanogona kuverenga mabhuku akabudiswa mumitauro inopfuura 430. Zvisinei, kutanga mwedzi uno, vaverengi vanenge vava kugona kuverengawo dzimwe nyaya dzanga dzichibuda mumagazini edu asi iye zvino dzava kungowanikwa panzvimbo yedu yepaIndaneti chete. *

Sezvo tichange tava kubudisa nyaya dzakawanda paIndaneti chete, kutanga nemagazini ino, Nharireyomurindi yevoruzhinji ichange yava nemapeji 16 kubva pa32 ayaimbova nawo. Iye zvino Nharireyomurindi iri kubudiswa mumitauro 204. Sezvo yava nemapeji mashoma, zvichava nyore kuti ishandurirwe mumitauro yakatowanda.

Tinovimba kuti kuchinja uku kuchaita kuti tikwanise kuita kuti vanhu vakawanda vawane mashoko eBhaibheri anoponesa upenyu. Takazvipira kuramba tichibudisa mashoko akawanda anobatsira uye anofadza, akaita zvekunyorwa mumabhuku uye paIndaneti kuitira kuti tibatsire vaverengi vedu vakawanda vanoremekedza Bhaibheri uye vanoda kuziva zvarinonyatsodzidzisa.

Vabudisi

^ ndima 5 Dzimwe nyaya dzichawanikwa paIndaneti chete ndedzinotevera: ““Zvevechikuku,” iyo inobatsira vechiduku kudzidza Bhaibheri, uye “Zvandinodzidza muBhaibheri,” iyo yakagadzirirwa vabereki kuti vashandise kudzidzisa vana vane makore matatu zvichidzika.