Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SWEDERA PEDYO NAMWARI

‘Makazvizarurira Vacheche’

‘Makazvizarurira Vacheche’

Unoda kuziva chokwadi nezvaMwari here, kuti iye ndiani uye zvaanoda nezvaanovenga? Jehovha Mwari anotiudza chokwadi chose nezvake muShoko rake Bhaibheri. Asi haasi munhu wose anogona kuverenga Bhaibheri onyatsonzwisisa chokwadi ichocho. Nei? Nokuti kunzwisisa chokwadi ichi iropafadzo, saka haasi munhu wose wose anoiwana. Ngatimbokurukura zvakataurwa naJesu panyaya iyi.—Verenga Mateu 11:25.

Ndima yacho ya25 inotanga nemashoko okuti: “Panguva iyoyo Jesu akabva ati.” Saka zvinoita sokuti Jesu akanga ava kuda kutaura zvine chokuita nezvakanga zvichangobva kuitika. Akanga achangobva kushora vanhu vakanga varamba kuva vadzidzi vake avo vaigara mumaguta matatu eGarireya maakanga aita zvishamiso. (Mateu 11:20-24) Ungashamisika kuti, ‘Munhu aizoramba sei chokwadi chaidzidziswa naJesu orega kuva muteveri wake iye aona zvishamiso zvake?’ Kuoma kwemwoyo yavo ndiko kwaiita kuti varambe kuva vateveri vaJesu.—Mateu 13:10-15.

Jesu aiziva kuti pane zvinhu zviviri zvinodiwa kuti munhu anzwisise chokwadi nezvaMwari chiri muBhaibheri. Tinoda kubatsirwa naMwari uye tinofanira kuva nemwoyo wakarurama. Jesu akati: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vacheche.” Uri kuona here kuti nei tingati iropafadzo kunzwisisa chokwadi chiri muBhaibheri nezvaMwari? Jehovha, zvaari “Ishe wedenga nenyika,” ane kodzero yokujekesera vamwe vanhu chokwadi asi achivanzira vamwe. Kunyange zvakadaro, Mwari haasaruri. Munhu wose anogona kunzwisisa chokwadi nezvake. Saka chii chinoita kuti ajekesere vamwe chokwadi cheBhaibheri asi achivanzira vamwe?

Jehovha anofarira vanhu vanozvininipisa, kwete vanozvikudza. (Jakobho 4:6) Anovanzira “vakachenjera nevakangwara” chokwadi, kureva vaya vanonzi nenyika vakachenjera uye vakadzidza, avo vanozvitutumadza vachiona sokuti havadi kubatsirwa naMwari. (1 VaKorinde 1:19-21) Asi anojekesera chokwadi “vacheche” kureva vaya vanomutsvaka nemwoyo wose vachizvininipisa sevana vaduku. (Mateu 18:1-4; 1 VaKorinde 1:26-28) Mwanakomana waMwari Jesu akasangana nevanhu ivavo vaizvininipisa nevaya vaizvikudza. Vatungamiriri vezvitendero vakawanda vaiva vakamedza mabhii vakanga vasinganzwisisi zvaitaurwa naJesu, asi vabati vehove vaizvininipisa ndovaizvinzwisisa. (Mateu 4:18-22; 23:1-5; Mabasa 4:13) Asiwo, vamwe vapfumi nevakadzidza vakaratidza kuzvininipisa nemwoyo wose vakava vateveri vaJesu.—Ruka 19:1, 2, 8; Mabasa 22:1-3.

Ngatidzokerei kumubvunzo wabvunzwa kwokutanga wokuti: Unoda kuziva chokwadi nezvaMwari here? Kana uchida, uchafara kuziva kuti Mwari haafariri vaya vanozviti vakachenjera. Asi anofarira vaya vangatarisirwa pasi nevanhu vanonzi vakachenjera nenyika. Kana ukadzidza Shoko raMwari uchizvininipisa, unogona kuva mumwe wevanhu vanopiwa chipo chinokosha naMwari chokunzwisisa chokwadi nezvake. Kunzwisisa chokwadi ichocho kuchaita kuti urarame upenyu hune chinangwa iye zvino uye kunogona kuzokuwanisa “upenyu chaihwo,” upenyu husingaperi munyika itsva yakarurama yatinovimbiswa naMwari iyo yava pedyo. *1 Timoti 6:12, 19; 2 Petro 3:13.

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna January

Mateu 1-21

^ ndima 7 Zvapupu zvaJehovha zvinoda chaizvo kukubatsira kudzidza chokwadi nezvaMwari nezvinangwa zvake. Vanodzidza Bhaibheri nevanhu vasingavabhadharisi vachishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?What Does the Bible Really Teach?