Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Zita raMwari ndiani?

Mumwe nemumwe ari mumhuri dzedu ane zita rake. Kunyange mhuka dzatinochengeta pamba dzine mazita! Hazvina musoro here kuti Mwari avewo nezita rake? MuBhaibheri, Mwari ane mazita akawanda okuremekedza akadai seokuti, Mwari Wemasimbaose, Changamire Ishe, uye Musiki, asi anewo zita rake pachake.—Verenga Isaya 42:8.

Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzine zita raMwari pana Pisarema 83:18. Somuenzaniso, muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene, ndima yacho inoti: “Imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”

Nei tichifanira kushandisa zita raMwari?

Mwari anoda kuti tishandise zita rake. Tinoshandisa mazita patinotaura nevaya vatinoda vakadai seshamwari dzepedyo. Hatifaniri kudarowo here kana tava kutaura naMwari? Jesu Kristu akatikurudzirawo kushandisa zita raMwari.—Verenga Mateu 6:9; Johani 17:26.

Zvisinei, kuti tive shamwari dzaMwari, hatifaniri kungoziva zita rake chete asi tinofanira kuziva zvakawanda nezvake. Somuenzaniso, Mwari akamboita sei? Zvinoita here kuti tiswedere pedyo naMwari? Unogona kuwana mhinduro dzemibvunzo iyoyo muBhaibheri.