Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA YOUPENYU

“Ndaizviona, Asi Handina Kuzvinzwisisa”

“Ndaizviona, Asi Handina Kuzvinzwisisa”

Ndaiva nemakore maviri muna 1975 amai vangu pavakatanga kunyumwira kuti pane zvakanga zvisina kumira zvakanaka pandiri. Amai vangu pavakanga vakandibata mumaoko, shamwari yavo yakadonhedza pasi chimwe chinhu chakaita ruzha rukuru. Amai vakaona kuti handina kana kumbovhunduka. Ndakasvitsa makore matatu ndisati ndava kugona kutaura. Vemumhuri yangu vakazonzwa mashoko anovhundutsa, vanachiremba pavakataura kuti ndaiva matsi.

Vabereki vangu vakarambana ndichiri muduku uye amai vaifanira kutirera voga, ini nevakoma vangu vaviri nasisi vangu. Panguva iyoyo, madzidziro aiita vana vaiva matsi muFrance akasiyana neava kuitwa mazuva ano, uye dzimwe nguva nzira dzaishandiswa kuvadzidzisa dzairwadza zvikuru. Asi, kubvira ndichiri muduku pane zvimwe zvakanaka zvandiri kuwana zvisingawaniki nematsi dzakawanda. Regai nditsanangure.

Pandaiva nemakore anenge mashanu

Zvakambotora nguva vadzidzisi vakawanda vachifunga kuti vana vari matsi vanofanira kudzidziswa kutaura nemuromo uye vanofanira kudzidza kutarisa miromo yemudzidzisi paanenge achitaura kuti vaone kuti ari kuti chii. Kunzvimbo yandakakurira muFrance, zvaisatombobvumirwa kuti munhu ashandise masaini kuchikoro. Vamwe vana vaiva matsi vaitosungirirwa maoko kumusana pavanenge vachidzidza.

Ndichiri muduku, ndaipedza maawa akawanda pavhiki, mumwe chiremba wechikadzi achindidzidzisa kutaura. Ndaibatwa shaya kana kuti musoro ndichinzi ndinofanira kuramba ndichidzokorora ndadzokororazve kutaura mashoko andaisatombonzwa. Ndaisakwanisa kutaura nevamwe vana. Upenyu hwakanga hwakandiomera chaizvo mumakore iwayo.

Pandakanga ndava nemakore matanhatu, ndakaendeswa kuchikoro chebhodhin’i chematsi. Ndiko kaiva kekutanga kuonana nevamwe vana vaiva matsi. Ikokowo tairambidzwa kushandisa mutauro wemasaini. Taigona kugogodzwa muzvigunwe kana kudhonzwa bvudzi kana tikashandisa masaini pakutaura mukirasi. Asi taitaurirana nemasaini muchivande tichishandisa masaini atakatanga tega. Ndakanga ndava kukwanisawo kutaura nevamwe vana. Kubva panguva iyi ndakaita makore mana ndichifara.

Zvisinei, pandakanga ndava nemakore gumi, ndakaendeswa kune chimwe chikoro chepuraimari chaiva nevana vanonzwa chete. Ndakarwadziwa zvikuru! Ndakaona sokuti vamwe vana vose vaiva matsi vakanga vafa munyika yose kusara kwangu chete. Vanachiremba vaityira kuti ndaizodzokera kumashure pakudzidziswa kwandaiitwa kutaura, saka vomumhuri yangu havana kudzidzira mutauro wemasaini uye vaindirambidza kutamba nevamwe vana vaiva matsi. Ndinoyeuka pamwe patakaenda kune mumwe chiremba wenzeve. Aiva nebhuku remasaini patafura yake. Pandakaona mifananidzo yaiva pakavha yacho,  ndakarinongedza ndichiti, “Ndinorida!” Chiremba wacho akabva angoviga bhuku racho. *

KUTANGA KUDZIDZA CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI

Amai vaiedza kutirera vachitidzidzisa mitemo yechiKristu. Vaienda nesu kumisangano yeungano yeZvapupu zvaJehovha yaipindirwa kuMérignac pedyo neBordeaux. Sezvo ndaiva muduku, ndaingonzwisisa zvishoma kumisangano. Asi vanhu vemuungano yacho vaichinjana kugara pedyo neni vachindinyorera zvaitaurwa pamisangano. Ndakabayiwa mwoyo nerudo rwavo uye kuratidza kwavaiita kuti vane hanya neni. Amai vaindidzidzisa Bhaibheri kumba, asi ndaisanyatsozvinzwisisa. Ndainzwa sezvakaita muprofita Dhanieri paakaudzwa uprofita neimwe ngirozi achibva ati “ini ndakazvinzwa, asi handina kuzvinzwisisa.” (Dhanieri 12:8) Kana ndirini “ndaizviona, asi handina kuzvinzwisisa.”

Kunyange zvakadaro, ndakadzidza chokwadi chinokosha chiri muBhaibheri zvishoma nezvishoma. Ndaikoshesa zvikuru zvacho zvandainge ndanzwisisa uye ndaiedza kuzvishandisa muupenyu hwangu. Ndaidzidzawo nokuona unhu hwevamwe. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti tinofanira kuva nemwoyo murefu. (Jakobho 5:7, 8, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Ndaisaziva kuti kuva nemwoyo murefu kuita sei. Asi pandaiona vamwe vatinonamata navo vachiratidza unhu uhwu, ndaibva ndanzwisisa zvazvinoreva kuva nemwoyo murefu. Zvechokwadi, ungano yechiKristu yave ichindibatsira zvikuru.

KUODZWA MWOYO ZVIKURU UYE KUFARA KWANDAKAZOITA

Stéphane akandibatsira kunzwisisa Bhaibheri

Rimwe zuva pandakanga ndiri mumakore okuyaruka ndakaona vamwe vana vechiduku vaiva matsi mumugwagwa vachitaurirana nemasaini. Ndakatanga kushamwaridzana navo pasina aizviziva uye ndakatanga kudzidzira Mutauro Wemasaini wokuFrance (FSL). Ndakaramba ndichipinda misangano yechiKristu, uye mumwe mukomana ainzi Stéphane aiva Chapupu akatanga kushamwaridzana neni. Aiedza chaizvo kuti ataure neni, uye ndaimufarira chaizvo. Zvisinei, pane zvakaitika zvakandirwadza chaizvo. Stéphane akasungwa ndokuendeswa kujeri nokuti airamba kuita zvechiuto. Ndakashungurudzika zvikuru! Ndakaora mwoyo zvokuti ndakapotsa ndarega kupinda misangano.

Stéphane akazosunungurwa ndokudzoka kumba pashure pemwedzi 11. Fungidzira kushamiswa kwandakaita Stéphane paakatanga kutaura neni achishandisa masaini. Ndakaita sendiri kurota! Chii chakanga chaitika? Stéphane akanga adzidzira mutauro weFSL paaiva mujeri. Mufaro wangu wakawedzera pandakaona Stéphane achifambisa-fambisa maoko ake nechiso, uye ndichifunga kubatsira kwazvaizondiita.

NDAKAZONZWISISA CHOKWADI CHEMUBHAIBHERI

Stéphane akatanga kudzidza neni Bhaibheri. Apa ndipo pandakatanga kubatanidza chokwadi chishoma chandakanga ndadzidza muBhaibheri. Pandaiva muduku, ndaifarira kutarisa mifananidzo yakanaka iri mumabhuku edu anotsanangura Bhaibheri, ndichiona kusiyana kwakaita vanhu vari mumifananidzo yacho uye ndichiongorora zvose kuitira kuti ndisakanganwa nyaya dzacho. Ndaiziva nezvaAbrahamu, “mwana” wake, uye “boka guru,” asi pandakazozviona zvichitsanangurwa nemutauro wemasaini ndipo pandakazonyatsonzwisisa. (Genesisi 22:15-18; Zvakazarurwa 7:9) Zvaiva pachena kuti ndakanga ndawana mutauro wangu chaiwo, wandainyatsonzwisisa zvinosvika pamwoyo.

Zvandakanga ndava kunzwisisa zvaitaurwa pamisangano, ndakabayiwa mwoyo uye ndainzwa ndichida kudzidza zvakawanda. Stéphane akandibatsira kuramba ndichiwedzera kunzwisisa Bhaibheri, uye muna 1992 ndakatsaurira kuna Jehovha Mwari ndokubhabhatidzwa. Pasinei nokufambira mberi  kwandakanga ndaita, ndainyara uye ndaitadza kukurukurirana nevamwe nemhaka yokuti pandaiva muduku ndaisagona kutaura nevamwe.

KURWISA KUNYARA

Boka redu rematsi rakazobatanidzwa neungano yaiva muPessac, kuBordeaux. Izvi zvakandibatsira zvikuru uye ndakaramba ndichifambira mberi mune zvokunamata. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri kutamburira pakutaura nevamwe, shamwari dzangu dzinonzwa dzaindibatsira kunzwisisa zvose. Mumwe murume nemudzimai vatainamata navo, Gilles naElodie vaiedza chose kuti vakurukure neni. Vaiwanzondikoka kunodya navo kana kumbonwa kofi pashure pemisangano, uye takava neushamwari hwakasimba. Zvinofadza chaizvo kuva pakati pevanhu vanotevedzera Jehovha pakuva nerudo!

Mudzimai wangu Vanessa anonditsigira zvikuru

Muungano iyi ndimo mandakaonana netsvarakadenga inonzi Vanessa. Ndakafarira kuva nehanya uye maonero akanaka aaindiita. Aisaona umatsi hwangu sechinhu chaizotitadzisa kukurukurirana asi sehwaizomubatsira kudzidza kukurukurirana nematsi. Takadanana uye takaroorana muna 2005. Kunyange zvazvo ndisiri munhu anonyanyoda zvokukurukura nevanhu, Vanessa akandibatsira kutaura ndakasununguka uye kukunda kunyara. Ndinoonga zvikuru kunditsigira kwaanoita pandinoita mabasa angu.

CHIMWE CHIPO KUBVA KUNA JEHOVHA

Gore ratakaroorana, ndakakokwa kwemwedzi mumwe chete kuhofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha kuFrance kuti ndidzidziswe basa rokushandura. Bazi racho rakanga richishanda zvakaoma mumakore akanga apfuura pakubudisa maDVD mumutauro weFSL. Asi sezvo paiva nebasa rakawanda rokuita, boka rokushandura raitoda kubatsirwa.

Ndichipa hurukuro yeBhaibheri muMutauro Wemasaini wokuFrance

Ini naVanessa taiona kushumira kwangu pabazi seropafadzo yakakura uye chipo chinobva kuna Jehovha Mwari, kunyange zvazvo taimbozeza. Ko boka redu remutauro wemasaini raizodii? Taizoitei nemba yedu? Vanessa aizowana basa here munzvimbo yacho? Jehovha akatibatsira nenzira yatisingafungiri pakugadzirisa zvose izvi! Ndakanyatsoona kuti Jehovha anotida uye anoda matsi.

KUTSIGIRWA NEVANHU VAKABATANA

Sezvo ndave ndichiita basa rokushandura, ndava kunzwisisa zvose zvinoitwa kuti matsi dzibatsirwe kuziva Mwari. Uye zvinofadza zvikuru kuona vandinoshanda navo vachiedza kukurukura neni! Zvinondibaya mwoyo pandinoona vachidzidzira masaini mashoma uye vachiedza kuashandisa. Handitombonzwi semunhu akarasika. Rudo rwose urwu runoratidza kubatana kunongowanika pavanhu vaJehovha chete.—Pisarema 133:1.

Ndichishanda muDhipatimendi Reshanduro pahofisi yebazi

Ndinoonga Jehovha kuti akagara achiita kuti nguva dzose pave nemumwe munhu wemuungano yechiKristu anondibatsira. Ndinokoshesawo basa duku randave ndichiita pakubatsira dzimwewo matsi kuziva Musiki wedu ane rudo uye kuswedera pedyo naye. Ndinotarisira kuzoona vanhu vose vachikwanisa kukurukurirana vachitaura “mutauro wakachena,” kureva kuti chokwadi pamusoro paJehovha Mwari nezvinangwa zvake, tiri mhuri yevanhu vakabatana.—Zefaniya 3:9.

^ ndima 9 Muna 1991 hurumende yeFrance yakazobvumira zviri pamutemo kuti mutauro wemasaini ushandiswe pakudzidzisa vana vari matsi.