Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 SWEDERA PEDYO NAMWARI

“Anopa Mubayiro Vaya Vanomutsvaka Nomwoyo Wose”

“Anopa Mubayiro Vaya Vanomutsvaka Nomwoyo Wose”

Jehovha anokoshesa here zvinoitwa nevanamati vake vachiedza kumufadza? Vamwe vangati kwete, vachiti Mwari haana basa nesu. Asi kutaura nenzira yakadai inhema dzakaipa nezvaMwari. Shoko rake, Bhaibheri rinotiudza chokwadi nezvake. Rinotiudza kuti Jehovha anoonga chaizvo zvinoitwa nevanamati vake vakatendeka. Chimbofunga nezvemashoko emuapostora Pauro ari pana VaHebheru 11:6.

Chii chinodiwa kuti tifadze Jehovha? Pauro akanyora kuti, “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza [Mwari].” Ona kuti pano Pauro haana kuti zvakaoma kufadza Mwari kana tisina kutenda. Asi, akati hazvibviri kuti timufadze. Izvi zvinoratidza kuti tinofanira kuva nokutenda kana tichida kufadza Mwari.

Jehovha anofadzwa nokutenda kwerudzii? Kutenda kwedu muna Mwari kunofanira kuva nezvinhu zviviri. Chokutanga, tinofanira “kutenda kuti ariko.” Zvechokwadi hazviiti kuti tifadze Mwari kana tisina chokwadi chokuti ariko. Asiwo, kutenda kwechokwadi kunopfuura kungobvuma kuti Jehovha ariko, nekuti madhimoni anotendawo kuti Jehovha ariko. (Jakobho 2:19) Kutenda kwedu kuti Mwari ariko kunofanira kuita kuti tiite chimwe chinhu, kureva kuti tinofanira kurarama nenzira inofadza Mwari.—Jakobho 2:20, 26.

Chechipiri, tinofanira “kutenda kuti” Mwari “anopa mubayiro.” Munhu ane kutenda kwechokwadi anonyatsovimba kuti kana akararama achifadza Mwari, anenge asingatambisi nguva. (1 VaKorinde 15:58) Zvingaita here kuti tifadze Jehovha kana tisina chokwadi chokuti anogona uye anoda kutipa mubayiro? (Jakobho 1:17; 1 Petro 5:7) Munhu anoti Mwari haana hanya, haaongi uye haana rupo, haazivi Mwari anotaurwa muBhaibheri.

Ndivanaani vanopiwa mubayiro naJehovha? Pauro anoti, “Vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.” Rimwe duramazwi revashanduri veBhaibheri rinotaura kuti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vanomutsvaka nomwoyo wose,” harirevi “kungotsvaka,” asi rinopa pfungwa yokushanda nesimba kuti “unamate” Mwari. Rimwewo duramazwi rinotsanangura kuti manyorerwo akaitwa shoko rechiito iri rechiGiriki anopa pfungwa yokushanda nesimba uye kuzvipira nomwoyo wose. Zvechokwadi, Jehovha anopa mubayiro avo vane kutenda kunovaita kuti vamunamate vachimuda nomwoyo wose uye vachishingaira.—Mateu 22:37.

Tingafadza sei Jehovha kana tisina chokwadi chokuti anogona uye anoda kutipa mubayiro?

Jehovha anopa sei mubayiro vanamati vake vakatendeka? Akavimbisa kuti achavapa mubayiro wakanaka zvikuru woupenyu husingaperi muParadhiso pasi pano, zvichinyatsoratidza kukura kwakaita rudo rwake uye rupo. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Kunyange iye zvino, vaya vanotsvaka Jehovha nomwoyo wose vanokomborerwa zvikuru. Vanobatsirwa nemudzimu mutsvene waMwari uye neuchenjeri huri muShoko rake, kuti vave noupenyu hunogutsa.—Pisarema 144:15; Mateu 5:3.

Chokwadi, Jehovha ndiMwari anoonga uye anofarira basa rinoitwa nevashumiri vake vakazvipira uye vakatendeka. Kuziva izvi kunoita kuti ude kuswedera pedyo naye here? Kana zvakadaro, wadii kudzidza zvimwe zvaungaita kuti uve nokutenda kuchaita kuti Jehovha akukomborere zvikuru?

Ndima dzeBhaibheri dzamunogona kuverenga muna November

Tito 1-3; Firimoni 1-25; VaHebheru 1-13Jakobho 1-5