Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | NHEMA DZINOITA KUTI VANHU VASADA MWARI

Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Haanzwisisiki

Nhema Dzakaita Kuti Mwari Anzi Haanzwisisiki

ZVINOTENDWA NEVAKAWANDA

Chitendero chechiKristu, “muzvikamu zvacho zvikuru zvitatu zvinoti, chechi yeRoma, yeEastern Orthodoxy uye Machechi akabva muRoma, chinobvuma kuti kuna Mwari mumwe chete anoumbwa neVanhu vatatu: Mwari Baba, Mwari Mwanakomana, uye Mwari Mweya Mutsvene. Maererano nechitendero chechiKristu, dzidziso iyi hairevi kuti ndivanamwari vatatu, asi inoreva kuti vanhu vatatu ava vanotova munhu mumwe chete.”—The New Encyclopædia Britannica.

CHOKWADI CHIRI MUBHAIBHERI

Jesu, Mwanakomana waMwari haana paakambotaura kuti akaenzana naMwari, kana kuti iye naBaba vake vanganzi munhu mumwe chete. Asi iye akati: “Ndiri kuenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kwandiri.” (Johani 14:28) Akaudzawo mumwe wevadzidzi vake kuti: “Ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu uye kuna Mwari wangu naMwari wenyu.”—Johani 20:17.

Mudzimu mutsvene hausi munhu. VaKristu vekutanga “vakazadzwa nomudzimu mutsvene,” uye Jehovha akati: “Ndichadurura mumwe mudzimu wangu pavanhu vemarudzi ose.” (Mabasa 2:1-4, 17) Mudzimu mutsvene hausi chikamu cheUtatu. Isimba raMwari rinoita basa.

NEI ZVICHIKOSHA

Nyanzvi dzechechi yeRoma, Karl Rahner naHerbert Vorgrimler dzakataura kuti Utatu “hahunzwisisiki kana pasina kuzarurirwa, uye kunyange ukazarurirwa, hahuzombosviki pakuva tsanangudzo inonzwisisika.” Ungasvika pakuda munhu akaoma kunzwisisa zvaari here? Saka dzidziso yeUtatu inotadzisa vanhu kuziva Mwari uye kumuda.

Marco ambotaura munyaya yokutanga akaona kuti dzidziso yeUtatu yaimukanganisa. Anoti, “Ndakafunga kuti Mwari aindivanzira zvaari, uye izvi zvakaita kuti nditomuona seasingatombondifariri, asinganzwisisiki uye asingatauriki naye.” Zvisinei, “Mwari haasi Mwari asinganzwisisiki.” (1 VaKorinde 14:33, American Standard Version) Haana kutivanzira zvaari. Anoda kuti timuzive. Jesu akati: “Tinonamata chatinoziva.”—Johani 4:22.

Marco anowedzera kuti, “Pandakadzidza kuti Mwari haasi chikamu cheUtatu, ndakasvika pakuva neukama hwepedyo naye.” Kana tikaona Jehovha seMunhu akazvimirira, kwete seUtatu husinganzwisisiki, zvinova nyore kuti timude. Bhaibheri rinoti: “Uyo asina rudo haasati asvika pakuziva Mwari, nokuti Mwari rudo.”—1 Johani 4:8.