Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Matongo Eguta reTimgad Anoratidza Zvarainge Rakaita

Matongo Eguta reTimgad Anoratidza Zvarainge Rakaita

MUMWE murume akashinga anofamba achiongorora nzvimbo akafunga kuti ari kurota. Akaona chimwe chikamu chegedhi rakavakwa nevaRoma rinonzi Roman triumphal arch, chichibudikira mujecha rekuAlgeria! Murume uyu wekuScotland anonzi James Bruce paakawana nzvimbo iyi muna 1765, haana kumboziva kuti akanga atori pamatongo eguta rekare rainzi Thamugadi, iro rava kunzi Timgad, rinova ndiro guta rainge rakakura kupfuura mamwe ose akavakwa neUmambo hweRoma kuNorth Africa.

Muna 1881, patopfuura makore zana, vamwe vanoita zvekuchera matongo vekuFrance vakatanga kuongorora matongo eguta reTimgad. Zvavakawana zvakaita kuti vati vagari vemuguta iri vainge vari muutefe-tefe, pasinei nokuti rainge rakakomberedzwa negwenga. Asi chii chakaita kuti vaRoma vavake guta rakabudirira kudai munzvimbo iyi? Uye chii chatinogona kudzidza paguta iri rekare nevanhu vaigaramo?

CHINANGWA CHAISAVA PACHENA CHEKUSIMBISA UMAMBO HWEROMA

Pakawedzera Umambo hweRoma nzvimbo dzahwaitonga kuNorth Africa mumakore ari pakati pa100 B.C.E. na1 B.C.E., hwakapikiswa zvakasimba nemadzinza aitama-tama. VaRoma vaizoita sei kuti kupikisana uku kupere? Pakutanga, masoja eThird Augustan Legion akavaka misasa yakasimba yakawanda nedzimba dzevarindi munzvimbo izere nemakomo, kumaodzanyemba kweyava kunzi Algeria. Nokufamba kwenguva, vakazovaka guta rinonzi Timgad, asi vaine chimwewo chinangwa.

VaRoma vaiti vakavaka guta reTimgad kuti rigarwe nemasoja ainge ava pamudyandigere, asi chokwadi ndechokuti vaida kuti marudzi ekuNorth Africa arege kuramba achivapikisa. Izvi zvakashanda. Upenyu hwakanaka hwemuguta reTimgad hwakabva hwatanga kufarirwa nevanhu veko vaiuya kuzotengesa zvinhu zvavo muguta iri. MuTimgad maingobvumirwa vanhu vaiva zvizvarwa zveRoma. Vanhu vakawanda vekuNorth Africa vainzi kana vachida kuva zvizvarwa zveRoma vaifanira kupinda muuto reRoma kwemakore 25. Saka vakawanda vavo vakatozvipira kuita izvi kuti vapiwe mvumo yekuva zvizvarwa zveRoma pamwe chete nevanakomana vavo.

Vamwe vekuAfrica havana kungogumira pakupiwa mvumo yekuva zvizvarwa zveRoma, asi vakatozova nezvinzvimbo muTimgad nemamwewo maguta aitongwa neRoma. Zano iri rekunyengedza vanhu rakashandiswa nevaRoma rakabudirira zvikuru pakuti pangopera makore 50 kubva pavakavaka guta reTimgad, vazhinji vakanga vava kugaramo vaiva zvizvarwa zvemuNorth Africa.

VAROMA VAKANYENGEDZA VANHU SEI?

Misika ine mbiru nematafura ekutengesera zvinhu

Roma yakaita sei kuti ibudirire pakunyengedza vanhu vemuAfrica nokukurumidza zvakadaro? Chakavabatsira ndechokuti vaiita kuti vanhu vose vabatwe zvakafanana, sezvaidzidziswa naCicero, uyo aiva nechinzvimbo muhurumende yeRoma. Nzvimbo dzaigovewa zvakaenzana pakati pemasoja echiRoma ainge ava pamudyandigere nezvizvarwa zvemuAfrica. Guta iri rainge rakanyatsovakwa, imba imwe neimwe yakavakwa panzvimbo yakareba mamita 20, uye yakafara mamita 20, pakati paine migwagwa mitete. Hapana mubvunzo kuti urongwa ihwohwo hwekugova nzvimbo zvakaenzana hwaifarirwa zvikuru nevagari vemuguta iri.

Sezvaiitika mumaguta akawanda aitongwa neRoma, vagari vemo vaimbosangana mumisika pamazuva ainyanya kufamba zvekutengeserana, kuti vanzwe nhau uye vatambe mitambo. Zviri pachena kuti vaya vaigara mumakomo akaita segwenga aiva pedyo neguta iri vaitofungidzira vachifamba nemumavharanda zuva parinenge richipisa, kana kuti vachigezera mumadziva akawanda aishandiswa nevanhu vose, mvura yacho ichiyerera zvinyoro-nyoro. Zvimwe vaitombofungidzira vakagara pazvitubu zvaiwanika mvura yaitonhorera, vachidya nyaya neshamwari. Zvinofanira kunge zvaivaomera kufunga kuti vaizovawo neupenyu hwakadaro.

Dombo repaguva rina vanamwari vatatu nechepamusoro

Chimwe chaikwezva vanhu inzvimbo yaiitirwa mitambo. Nzvimbo iyi yaitakura vanhu vanopfuura 3 500, saka vanhu vazhinji vaigara muTimgad nemumataundi aiva pedyo vaidirana vachienda ikoko. Vatambi vaivaraidza vanhu nemitambo yaifarirwa nevaRoma, yaiwanzoratidza zveunzenza kana kuti zvekurwa.

Vanhu vakafurirwawo nechitendero chakauya nevaRoma. Madziro neuriri zvedzimba dzekugezera zvainge zvakapendwa mifananidzo inoyevedza yedzidziso dzenhema dzevahedheni. Sezvo vanhu vaikoshesa kugeza mazuva ose, zvishoma nezvishoma vagari vemuguta iri vakaguma vava kuziva manamatiro evaRoma navanamwari vavo. Zvose zvakaitwa pakuedza kuti vanhu vemuAfrica vatevedzere tsika dzechiRoma zvakashanda zvokuti matombo aiiswa pamakuva evanhu aiwanzonyorwa vanamwari vatatu vechitendero chemuAfrica nevatatu vekuRoma.

GUTA RAKANAKA RINOTSAKATIKA

Pashure pekunge Mambo Trajan avaka guta reTimgad muna 100 C.E., vaRoma vakakurudzira kuti muNorth Africa yose murimwe zviyo, uye muwanikwe mafuta omuorivhi newaini. Pasina nguva, ikoko ndiko kwakanga kwava nedura reRoma, uye zvokudya zvose zvemunzvimbo dzaitongwa neRoma zvaibva ikoko. Guta reTimgad rakabudirira sezvakangoitawo mamwe maguta aitongwa neRoma. Nekufamba kwenguva, vanhu vemuguta iri vakatanga kuwedzera, uye guta racho rakatozokura chaizvo.

Vagari vemuguta iri uye vaya vaiva neminda vaiwana zvakawanda pakutengeserana kwavaiita neRoma, asi varimi vemuAfrica vaingowana zvishoma. Mumakore ekuma200 C.E., kwakanga kwava nerusarura uye mitero yakanga yakwira zvakanyanya, zvikaita kuti varimi vaduku vapandukire Roma. Vamwe vavo avo vainge vava muchechi yeRoma vakazobatana nevaDonatists, boka revanhu vaizviti vaKristu rakabva muchechi yeRoma nekuti yakanga iine uori.—Ona bhokisi rakanzi “ Chechi yevaDonatists Yaisava ‘Tsvene.’

Pashure pemazana emakore ekupesana kwezvitendero, hondo dzevanhu vemunyika imwe chete, uye kupamba kwaiitwa nevekune dzimwe nyika, vaRoma vakaguma vasisina simba pavanhu vekuNorth Africa. Pakazosvika 600 C.E., guta reTimgad rakanga ratopiswa nemadzinza evaArab emuAfrica, uye rava nemakore anopfuura 1 000 ratsakatika.

“NDIKO KUTI UPENYU!”

Mashoko echiLatin akawanikwa panzvimbo yaiungana vanhu, aiti: “Kuvhima, kugeza, kutamba, kuseka, ndiko kuti upenyu!”

Vanochera matongo avo vaiongorora matongo eTimgad vakaseka pavakawana chimwe chinyorwa chechiLatin panzvimbo yaiungana vanhu. Chaiti: “Kuvhima, kugeza, kutamba, kuseka, ndiko kuti upenyu!” Mumwe muongorori wezvakaitika kare wekuFrance akati mashoko aya “anoratidza kuti zvimwe vaiva vanhu vasina basa nezvakawanda. Asiwo vamwe vanoaona seane musoro.”

VaRoma vakanga vatova nenguva yakati kuti vachirarama saizvozvo. Muapostora Pauro uyo akararama panguva yakatanga chiKristu akataura nezvevanhu vaingofunga nezvekuti “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.” Kunyange zvazvo vaiita zvechitendero, vaRoma vairarama upenyu hwemafaro, vasingambofungi nezvekuti chinangwa cheupenyu ndechei. Pauro akanyevera vamwewo vaKristu nezvevanhu vakadaro achiti: “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”1 VaKorinde 15:32, 33.

Kunyange zvazvo vanhu vemuTimgad vakararama makore anenge 1 500 akapfuura, mararamiro avaiita akangoda kufanana nezviri kuitika mazuva ano. Vanhu vakawanda mazuva ano havanei neramangwana. Vanoti mararamiro aiita vaRoma ainge akanaka, pasinei nezvinozoguma zvaitika. Zvisinei, Bhaibheri harimbotendereri, asi rinonyatsotaura zvinhu sezvazviri parinoti: “Mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” Saka rinotikurudzira kuti ‘tisashandisa nyika zvizere.’1 VaKorinde 7:31.

Matongo eTimgad anoratidza kuti hunonzi upenyu hunofadza uye hune chinangwa hakusi kutevedzera zvainge zviri pachinyorwa chakanga chava nemakore chakafushirwa mujecha rekuNorth Africa. Asi, hunobva pakuteerera zvatinoyeuchidzwa neBhaibheri parinoti: “Nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”1 Johani 2:17.