Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UNOGONA KUVA PEDYO NAMWARI

Hapana Chinokosha Kupfuura Izvi Muupenyu

Hapana Chinokosha Kupfuura Izvi Muupenyu

Ungaitei kuti uve pedyo naMwari? Tataura matanho anotevera aungatora kuti uve shamwari yepedyo yaMwari:

  1. Ziva uye shandisa zita raMwari.

  2. Gara uchitaura naMwari nemunyengetero uye uchidzidza Shoko rake, Bhaibheri.

  3. Ramba uchiita zvinofadza Jehovha.

Swedera pedyo naMwari nokushandisa zita rake, kunyengetera kwaari, kudzidza Shoko rake, uye kuita zvinomufadza

Uchifunga izvi, ungati uri kutora matanho ekuti uve pedyo naMwari here? Unofunga kuti pane zvaunofanira kuvandudza here? Zvinonzwisisika kuti panoda kushanda nesimba, asi funga zvaunozowana.

“Kana munhu achiita zvose zvaanogona kuti ave shamwari yepedyo yaMwari anenge achishandira zviripo,” anodaro Jennifer wekuUnited States. “Kuva shamwari yaMwari kunoita kuti uwane makomborero akawanda. Unowedzera kuvimba naMwari, kunzwisisa nezvake, uye kutopfuura izvozvo, unowedzera kumuda. Hapana chinokosha kupfuura izvi muupenyu!”

Kana uchida kuva neushamwari hwepedyo naMwari, Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira. Vanogona kuronga kudzidza newe Bhaibheri usingabhadhari. Unogonawo kuenda kumisangano yavo kuImba yeUmambo yekwaunogara, uye ikoko uchawadzana nevanhu vanokoshesa ushamwari hwavo naMwari. * Paunopinda misangano iyi, uchanzwa sezvakaita munyori wepisarema uyo akati, “Asi ini, kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.”Pisarema 73:28.

^ ndima 9 Kuti ukumbire kudzidza Bhaibheri kana kuti uzive kune Imba yeUmambo iri pedyo nekwaunogara, taura nemunhu akakupa magazini ino kana kuti vhura nzvimbo yedu yepaIndaneti, www.pr418.com/sn, wotarisa nechepasi pepeji yacho pakanzi TIBATEI PANO.