Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UNOGONA KUVA PEDYO NAMWARI

Unoziva Zita raMwari Uye Unorishandisa Here?

Unoziva Zita raMwari Uye Unorishandisa Here?

Une shamwari yako yepedyo yausingazivi zita rayo here? Izvozvo hazviwanzoitika. Ndosaka mumwe mukadzi wekuBulgaria anonzi Irina akati, “Hazvikwanisiki kuti uve pedyo naMwari kana usingazivi zita rake.” Sezvataurwa munyaya yapfuura, zvinofadza kuti Mwari anoda kuti uswedere pedyo naye. Saka anoita kuti umuzive achishandisa Bhaibheri paanoti, “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.”—Isaya 42:8.

Mwari anoita kuti umuzive achishandisa Bhaibheri paanoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu.”Isaya 42:8

Kuna Jehovha zvine basa here kuti uzive zita rake uye urishandise? Funga izvi: Zita raMwari rine mabhii mana echiHebheru anonzi Tetragrammaton uye rinowanika kanoda kusvika ka7 000 muzvinyorwa zvekutanga zveMagwaro echiHebheru. MuBhaibheri hamuna rimwe zita rakanyorwa kakawanda seizvi. Izvi zvinoratidza kuti Jehovha anoda kuti tizive zita rake uye tirishandise. *

Vanhu vanowanzotanga nokuzivana mazita kuti vave shamwari. Unoziva zita raMwari here?

Asi vamwe vanofunga kuti sezvo Mwari ari mutsvene uye aine simba rose, kushandisa zita rake kusamuremekedza. Sezvo usingadi kushandisa zita reshamwari yako zvisiri izvo, haufaniriwo kushandisa zita raMwari zvisina kukodzera. Jehovha anoda kuti vaya vanomuda vakudze zita rake uye vaite kuti rizivikanwe. (Pisarema 69:30, 31; 96:2, 8) Yeuka kuti Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” Tinogonawo kuita kuti zita raMwari rizivikanwe, zvoita kuti ritsveneswe. Izvi zvinoita kuti tive pedyo naye.—Mateu 6:9.

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anofarira chaizvo vaya vanofungisisa ‘nezvezita rake.’ (Maraki 3:16) Jehovha anovimbisa munhu anoita izvi kuti: “Ndichamudzivirira nokuti ava kuziva zita rangu. Iye achandishevedza, uye ini ndichamupindura. Ndichava naye pakutambudzika.” (Pisarema 91:14, 15) Tinofanira kuziva zita raJehovha uye kurishandisa kana tichida kuva neushamwari hwepedyo naye.

^ ndima 4 Zvinosuwisa kuti maBhaibheri akawanda haana zita raMwari, pasinei nekuti rinowanika kakawanda zvakadaro muMagwaro echiHebheru, anowanzonzi Testamende Yekare. Pane kudaro, akachinjanisa zita rekuti Jehovha nemazita ekuremekedza akadai sekuti “Ishe” kana kuti “Mwari.” Kuti uwane mashoko akawanda nezvenyaya iyi, ona peji 195-197 mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.