Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Upenyu hwedu hune chinangwa here?

Unomboona sekuti upenyu hwedu hupfupi here?

Wakambozvibvunza here kuti pane zvimwe zvatinoraramira kunze kwekungotamba, kushanda, kuroorana, kurera mhuri, uye kuchembera? (Jobho 14:1, 2) Bhaibheri rinoratidza kuti kunyange vanhu vakachenjera chaizvo vakatombofungawo nezvenyaya iyi.—Verenga Muparidzi 2:11.

Upenyu hwedu hune chinangwa here? Tinofanira kutanga taziva kuti upenyu hwakavapo sei. Pashure pekuongorora zvakaita uropi uye muviri wose wemunhu, vakawanda vakasvika pakutenda kuti kune Musiki akachenjera akatisika. (Verenga Pisarema 139:14.) Saka haana kutisikira pasina! Kana tikaziva kuti akatisikirei tinenge tava kuziva chinangwa cheupenyu.

Vanhu vakasikirwei?

Mwari akakomborera vanhu vaviri vokutanga uye akavapa basa rinofadza. Chinangwa chake chaiva chokuti vazadze nyika, vaiite paradhiso uye vararame nekusingaperi.—Verenga Genesisi 1:28, 31.

Chinangwa chaMwari chakambovhiringidzwa vanhu pavakaramba kutongwa naye. Asi Mwari haana kubva atirasa kana kuchinja chinangwa chake. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari ari kushanda kuti aponese vanhu vakatendeka uye kuti achazadzisa zvaakasikira nyika. Saka Mwari anoda kuti uve neupenyu hwaaida kuti vanhu vave nahwo paakavasika. (Verenga Pisarema 37:29.) Dzidza kubva muBhaibheri kuti ungabatsirwa sei nechinangwa chaMwari.