Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Tinokwanisa here kuziva chokwadi nezvaMwari?

Nei Mwari achida kuti tizive chokwadi? Verenga Johani 17:3

Mwari akataura nevanhu. Akashandisa mudzimu mutsvene, kana kuti simba rake rinoita basa, pakuita kuti pfungwa dzake dzinyorwe muBhaibheri. (2 Petro 1:20, 21) Tinogona kusvika pakuziva chokwadi nezvaMwari kana tikaverenga Bhaibheri.Verenga Johani 17:17; 2 Timoti 3:16.

Mwari anoita kuti vanhu vazive zvakawanda nezvake achishandisa Bhaibheri. Anotaura kuti sei akasika vanhu, achavaitirei, uye kuti vanofanira kurarama sei. (Mabasa 17:24-27) Jehovha Mwari anoda kuti tizive chokwadi nezvake.Verenga 1 Timoti 2:3, 4.

Nei Mwari achigamuchira vanhu vanoda chokwadi?

Jehovha ndiMwari anotaura chokwadi, uye akatuma Mwanakomana wake, Jesu, kuti adzidzise vanhu chokwadi. Saka vaya vanoda chokwadi vanodawo Jesu. (Johani 18:37) Mwari anoda vanhu vakadaro kuti vamunamate.Verenga Johani 4:23, 24.

Satani Dhiyabhorosi ari kuparadzira dzidziso dzisiri dzechokwadi nezvaMwari kuti vanhu vakawanda vasaziva nezvaMwari. (2 VaKorinde 4:3, 4) Vanhu vasingadi zvinhu zvakanaka vanobvuma dzidziso idzodzo dzenhema. (VaRoma 1:25) Asi mamiriyoni evanhu vanonyatsoda kuziva chokwadi nezvaMwari vari kuchiwana pavanodzidza Bhaibheri.Verenga Mabasa 17:11.