Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Tinokwanisa here kuziva chokwadi nezvaMwari?
Nei Mwari achida kuti tizive chokwadi? Verenga Johani 17:3
Mwari akataura nevanhu. Akashandisa mudzimu mutsvene, kana kuti simba rake rinoita basa, pakuita kuti pfungwa dzake dzinyorwe muBhaibheri. (2 Petro 1:20, 21) Tinogona kusvika pakuziva chokwadi nezvaMwari kana tikaverenga Bhaibheri.
Mwari anoita kuti vanhu vazive zvakawanda nezvake achishandisa Bhaibheri. Anotaura kuti sei akasika vanhu, achavaitirei, uye kuti vanofanira kurarama sei. (Mabasa 17:24-27) Jehovha Mwari anoda kuti tizive chokwadi nezvake.
Nei Mwari achigamuchira vanhu vanoda chokwadi?
Jehovha ndiMwari anotaura chokwadi, uye akatuma Mwanakomana wake, Jesu, kuti adzidzise vanhu chokwadi. Saka vaya vanoda chokwadi vanodawo Jesu. (Johani 18:37) Mwari anoda vanhu vakadaro kuti vamunamate.
Satani Dhiyabhorosi ari kuparadzira dzidziso dzisiri dzechokwadi nezvaMwari kuti vanhu vakawanda vasaziva nezvaMwari. (2 VaKorinde 4:3, 4) Vanhu vasingadi zvinhu zvakanaka vanobvuma dzidziso idzodzo dzenhema. (VaRoma 1:25) Asi mamiriyoni evanhu vanonyatsoda kuziva chokwadi nezvaMwari vari kuchiwana pavanodzidza Bhaibheri.