Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UNOKWANISA KUNZWISISA BHAIBHERI

Bhuku Rinofanira Kunzwisiswa

Bhuku Rinofanira Kunzwisiswa

Bhaibheri nderekare zvikuru kana richienzaniswa nemamwe mabhuku ose. Nderekare zvakadini? Bhaibheri rakatanga kunyorwa kuMiddle East makore anenge 3 500 akapfuura. Makore iwayo ndiwo aitonga madzimambo aiva nesimba emhuri yaShang muChina. Pakanga pachine makore anenge 1 000 chitendero chechiBuddha chisati chatanga muIndia.—Ona bhokisi rakanzi “ Zvakaita Bhaibheri.”

Bhaibheri rine mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo inokosha chaizvo muupenyu

Kuti bhuku ribatsire uye ritungamirire vanhu, rinofanira kunge richinzwisisika uye richitaura zvinobatsira muupenyu hwavo. Izvi ndizvo chaizvo zvakaita Bhaibheri. Rine mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo inokosha chaizvo muupenyu.

Somuenzaniso, wakambozvibvunza here kuti, ‘Tiri kuraramirei?’ Mubvunzo iwoyu wava nezviuru zvemakore uchitemesa vanhu musoro. Asi mhinduro yacho inowanika muzvitsauko 1 ne2 zvebhuku rekutanga remuBhaibheri rinonzi Genesisi. Zvitsauko izvozvo zvinotiudza zvakaitika “pakutanga,” pakasikwa zvinhu zvose zvatinoona, kusanganisira mapoka enyeredzi, nyeredzi dzacho uye nyika. Patova nemabhiriyoni emakore kubva pakasikwa zvose izvi. (Genesisi 1:1) Zvinozotsanangura kuti panyika pakagadzirwa sei zvishoma nezvishoma kuti pagarike. Zvinotiudzawo kuti zvinhu zvose zvipenyu zviri panyika kusanganisira vanhu zvakavapo sei uye kuti zvese izvi zvakasikirwei.

RAKANYORWA KUTI RINZWISISWE

Bhaibheri rine mazano anotibatsira kukunda matambudziko atinosangana nawo zuva nezuva. Mazano acho ari nyore kunzwisisa. Pane zvinhu zviviri zvinoita kuti anzwisisike.

Chekutanga ndechekuti Bhaibheri rakajeka, haripotereri uye rinonakidza kuverenga. Pane kushandisa mashoko akawanda asinganzwisisike, Bhaibheri rinotaura zvinhu zvatinonzwisisa. Rinotsanangura pfungwa dzakaoma kunzwisisa nemashoko atajaira kushandisa pane zvatinoita zuva nezuva.

Jesu akashandisa mifananidzo yakawanda yezvinhu zvaiitwa nevanhu zuva nezuva kuti ape zvidzidzo zvaisvika pamwoyo yavo. Mifananidzo yakawanda yacho inowanika mumharidzo inonzi nevakawanda Mharidzo yepaGomo, iri muzvitsauko 5 kusvika ku7 zvebhuku remuBhaibheri rinonzi Mateu. Mumwe muongorori weBhaibheri akaidana kuti “mharidzo inobatsira,” uye akatiwo chinangwa chayo “hachisi chekungozadza pfungwa dzedu neruzivo, asi ndechekutitungamirira uye kutidzora pane zvatinoita.” Unogona kupedza kuverenga zvitsauko izvozvo mumaminitsi anenge 15 kusvika ku20, uye uchashamiswa paunoona kuti mashoko aJesu ari nyore kunzwisisa uye anobatsira chaizvo.

Chechipiri ndechekuti mashoko ari muBhaibheri anoita kuti zvive nyore kurinzwisisa. Harisi bhuku rengano. Sezvakataurwa neThe World Book Encyclopedia, zvakawanda zviri muBhaibheri zvine chekuita “nevanhu vakakurumbira uye vasina,” pamwe chete “nezvaivanetsa, zvavaitarisira, zvavaitadza, uyewo zvavaibudirira kuita.” Zviri nyore kunzwisisa nyaya idzi dzakaitika kuvanhu chaivo vakamborarama uye kunzwisisa zvidzidzo zvinokosha zvirimo.—VaRoma 15:4.

MUNHU WESE ANOGONA KURIWANA

Kuti unzwisise bhuku, rinofanira kunge riri mumutauro waunoziva. Mazuva ano zvingangodaro kuti Bhaibheri rinowanika mumutauro waunonzwisisa, pasinei nekuti unogara kupi uye kuti unobva kupi. Chimbofunga zviri kuitwa kuti vanhu vawane Bhaibheri mumutauro wavanonzwisisa.

Kushandurwa kwaro. Pakutanga, Bhaibheri rakanyorwa riri muchiHebheru, chiAramaiki, nechiGiriki. Izvi zvaiita kuti ringokwanisa kuverengwa nevanhu vashomanana. Asi pane vashanduri vakazvipira kushanda nesimba kuti riwanikwe mune mimwe mitauro. Nemhaka yekushanda kwavo nesimba, Bhaibheri rava kuwanikwa mumitauro inenge 2 700, riine mabhuku ose kana kuti zvikamu zvaro. Izvi zvinoreva kuti pavanhu vose vari panyika, vanopfuura 90 muzana vanogona kuverenga Bhaibheri kana kuti chikamu charo mumutauro wavo.

Kubudiswa kwaro. Bhaibheri rakatanga riri pazvinyorwa zvematehwe nenhokwe izvo zvainge zvisingatani kuparara. Kuti vamwe vakwanise kuverengawo zvinyorwa izvi, zvaifanira kungoramba zvichinyatsokopwa nemaoko. Makopi acho aidhura saka vashomanana chete ndivo vaikwanisa kuatenga. Asi pane mumwe muchina wokuprinda wakagadzirwa naGutenberg makore anodarika 550 apfuura, uyo wakaita kuti zvive nyore kuprinda Bhaibheri zvekuti vanhu vakawanda vakatanga kuriwana. Zvinofungidzirwa kuti mabhiriyoni anopfuura mashanu emaBhaibheri, ane mabhuku ose kana kuti zvimwe zvikamu zvaro akabudiswa.

Hapana kana rimwe bhuku rezvechitendero rati ramboshandurwa kana kubudiswa seBhaibheri. Saka zviri pachena kuti Bhaibheri ibhuku rakanyorwa kuti rinzwisiswe. Zvisinei, kurinzwisisa kunogona kuomera vamwe. Asi pane rubatsiro rwunogona kuwanika. Rwungawanikwa kupi? Uye zvaunenge wawana zvichakubatsira sei? Ona mhinduro dzacho munyaya inotevera.