Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | UNOKWANISA KUNZWISISA BHAIBHERI

Ndekupi Kwaungawana Rubatsiro Rwekuti Unzwisise Bhaibheri?

Ndekupi Kwaungawana Rubatsiro Rwekuti Unzwisise Bhaibheri?

Fungidzira uchisvika kune imwe nyika kekutanga. Zvinhu zvese zvinenge zviri zvitsva kwauri, zvakadai sezvokudya, mari yeko, vanhu vacho netsika dzavo. Zviri pachena kuti pakutanga zvinombokuomera.

Unogona kunzwawo saizvozvo paunoverenga Bhaibheri kekutanga. Paunoriverenga, unenge uchipinda munyika yekare yausingazive. Uye unotanga kunzwa nezvevanhu vanonzi vaFiristiya, unonzwa nezvetsika dzausina kujaira dzakadai ‘sekubvarura nguo,’ kana kuti unoudzwa nezvechikafu chinonzi mana uye mari yesimbi inonzi drakema. (Eksodho 16:31; Joshua 13:2; 2 Samueri 3:31; Ruka 15:9) Zvose izvi zvinogona kumbokuvhiringidza. Sezvawaizoita waenda kune imwe nyika yausingazivi, waizofara kana mumwe munhu akakutsanangurira zvinhu izvozvo zvausinganzwisise.

KARE RUBATSIRO RWAIWANIKA SEI?

Kubva pakatanga kunyorwa zvinyorwa zvitsvene kumakore ari pakati pa1600 B.C.E. na1501 B.C.E., vanhu vanga vachibatsirwa kunzwisisa mashoko acho. Somuenzaniso, Mosesi, mutungamiriri wekutanga werudzi rwevaIsraeri, “akatsanangura” mashoko ainge akanyorwa.—Dheuteronomio 1:5.

Makore anenge 1 000 akazotevera, kwaivawo nevanhu vaikwanisa kudzidzisa zviri muMagwaro. Muna 455 B.C.E., (makore anenge 2 400 akapfuura) boka guru revaJudha, kusanganisira vana vakawanda, rakaungana panzvimbo yaiungana vanhu muJerusarema. Paboka iroro, paiva nevadzidzisi veBhaibheri vaiverenga “bhuku [dzvene irori] zvinonzwika.” Asi havana kugumira ipapo. “Vakaramba vachiita kuti zvaiverengwa zvacho zvinzwisisike.”—Nehemiya 8:1-8.

Pashure pemakore anenge 500, Jesu Kristu akaitawo basa iroro rekudzidzisa. Chinhu chikuru chaainyanya kuzivikanwa nacho ndechekuva mudzidzisi. (Johani 13:13) Aidzidzisa mapoka makuru evanhu, uyewo munhu mumwe nemumwe. Rimwe zuva akataura kune vanhu vakawanda, achipa Mharidzo yepaGomo iyo yakakurumbira, uye “boka revanhu rakashamiswa nemadzidzisiro ake.” (Mateu 5:1, 2; 7:28) Muna 33 C.E., Jesu akataura nevadzidzi vake vaviri sezvavaifamba vakananga kune mumwe musha waiva pedyo neJerusarema, ‘achivavhurira kwazvo kana kuti kuvatsanangurira Magwaro zvakajeka.’—Ruka 24:13-15, 27, 32.

Vadzidzi vaJesu vaivawo vadzidzisi veShoko raMwari. Rimwe zuva, mumwe mukuru mukuru wekuItiopiya aiverenga imwe ndima yemuMagwaro. Mumwe mudzidzi ainzi Firipi akabva auya akamubvunza kuti: “Unonyatsoziva zvauri kuverenga here?” Murume uya wokuItiopiya akati: “Chokwadi, ndingadaro sei kana mumwe asingandirayiridzi?” Firipi akabva atanga kumutsanangurira kuti ndima yacho yairevei.—Mabasa 8:27-35.

RUBATSIRO RWUNOWANIKA SEI MAZUVA ANO?

Zvapupu zvaJehovha mazuva ano zvakafanana nevadzidzisi kana kuti varayiridzi veBhaibheri vekare, pakuti zvinoita basa rekudzidzisa Bhaibheri munyika 239 pasi rose. (Mateu 28:19, 20) Vhiki nevhiki, Zvapupu zviri kubatsira vanhu vanodarika mamiriyoni 9 kunzwisisa zviri muBhaibheri. Vakawanda vevari kudzidziswa Bhaibheri havapindi chechi dzechiKristu. Zvidzidzo izvi zveBhaibheri hazvibhadhariswi uye zvinoitirwa pamba peari kudzidza kana kuti pane imwe nzvimbo inomuitira. Vamwe vanoita zvidzidzo zvavo vachikurukura vachishandisa kombiyuta kana kuti foni kana mumwewo mudziyo unotakurika.

Taura nemumwe weZvapupu zvaJehovha kana uchida kuziva kuti urongwa hwekudzidza Bhaibheri hungakubatsira sei. Uchaona kuti Bhaibheri harisi bhuku rakaoma kunzwisisa, asi kuti rinotobatsira “pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama,” kuti ‘ukwanise zvizere, wakashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’—2 Timoti 3:16, 17.