Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAUNGAITA KUTI UBATSIRWE NEBHAIBHERI

Ungaitei Kuti Unakidzwe Nekuriverenga?

Ungaitei Kuti Unakidzwe Nekuriverenga?

Kuverenga Bhaibheri kuchakunakidza here? Zvichaenderana nemaverengero auchariita. Ngatitarise zvinhu zvingakubatsira kuti uwedzere kufarira kuverenga Bhaibheri.

Shandisa Bhaibheri rinovimbwa naro uye riri nyore kuverenga. Kana ukaverenga bhuku rine mashoko akawanda akaoma kunzwisisa kana kuti aishandiswa kare kare, kazhinji kacho haunakidzwi nekuriverenga. Saka tsvaga Bhaibheri riri nyore kunzwisisa, richabata mwoyo wako. Asiwo Bhaibheri racho rinofanira kunge richitaura chokwadi. *

Shandisa zvinhu zvemazuva ano. Mazuva ano Bhaibheri haringowaniki rakaita zvekuprindwa chete. Wava kukwanisa kuriverengera paindaneti kana kuridhaunirodha woriverengera pamakombiyuta, matablet kana kuti mafoni. Mamwe maBhaibheri anoita kuti ukwanise kuona mamwe mavhesi anoenderana nenyaya yauri kuverenga kana kuti kuona zvinotaurwa nemamwe maBhaibheri. Panewo maBhaibheri akaita zvekurekodhwa kana uchifarira ekuteerera. Vanhu vakawanda vanofarira kuteerera pavanenge vari mukombi, vachiwacha kana kuti pavanenge vachiita mamwe mabasa anovabvumira kuteerera. Wadii kuedza zvaunoona zvinokuitira?

Shandisa zvinhu zvinokubatsira pakudzidza Bhaibheri. Kushandisa zvinhu izvi kuchaita kuti zvaunoverenga zvinyatsokubatsira. Pane mamepu anokuratidza nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri uye achaita kuti uwedzere kunzwisisa zvaunenge uchiverenga. Nyaya dzakaita sedziri mumagazini ino kana kuti dziri pawebsite inonzi jw.org, pachikamu chakanzi “Zvinodzidziswa neBhaibheri,” dzinogona kukubatsira kuti unzwisise zvinorehwa nemavhesi akawanda ari muBhaibheri.

Chinja maverengero aunoriita. Kana uchiona sekuti kuverenga Bhaibheri kubva kwarinotangira kwakaoma, wadii kutanga nechikamu chaunofarira kuti uve nechido chekuriverenga? Kana uchida kuziva nezvevanhu vanonyanya kuzivikanwa vanotaurwa muBhaibheri, unogona kuverenga mavhesi anotaura nezvevanhu ivavo. Pane nzira mbiri dzaunogona kushandisa dzakanyorwa mubhokisi rakanzi, “ Ukaziva Vanhu Vari muBhaibheri Uchawedzera Kurinzwisisa.” Kana kuti unogona kuverenga Bhaibheri uchibata nyaya imwe panguva kana kuti kuverenga nyaya uchitevedza maitikiro ayo. Wadii kumboedza imwe yacho?

^ ndima 4 Vakawanda vanofarira Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene nokuti yakarurama, inovimbwa nayo uye iri nyore kuverenga. Bhaibheri iri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye rinowanika mumitauro inopfuura 130. Unogona kuridhaunirodha pajw.org kana kuti kudhaunirodha JW Library app. Kana uchida, Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukuvigira kumba kwako.