Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bata Nemusoro Mabhuku emuBhaibheri (Chikamu 3)

Bata Nemusoro Mabhuku emuBhaibheri (Chikamu 3)

Dhaunirodha:

  1. 1. Mateu—Jesu anouya panyika.

    Mako—Jesu anoita zvishamiso.

    Ruka—Kudzidza munyaya dzaJesu.

    Johani—Razaro omutswa naJesu.

    Mabasa—Umambo hwoparidzwa kwose.

    VaRoma—Mwari onzwira vanhu ngoni.

    1 VaKorinde—Todzidza rudo rwechokwadi.

    2 VaKorinde—Mwari anoda vane ngoni.

    VaGaratiya—Itira vamwe zvakanaka.

    VaEfeso—Inodzidzisa nezvemhuri.

    VaFiripi—Ramba uchifunga zvakanaka.

    VaKorose—Zvakanakira kuteerera.

    1 VaTesaronika—Kunyengetera nguva dzose.

    2 VaTesaronika—Jehovha obatsira vake.

    1 Timoti—Kuziva Magwaro pauduku.

    2 Timoti—Obatsira ungano kukura.

    Tito—Vakuru vanoda kutiziva.

    Firimoni—Muranda anova shamwari.

    VaHebheru—Tinoda misangano yedu.

    Jakobho—Kunaka kwezvipo zvaMwari.

    1 Petro—Kristu osiya muenzaniso.

    2 Petro—Jehovha anoda vakachena.

    1 Johani—Kuda Mwari nekuteerera.

    2 Johani—Ramba uchifamba muchokwadi.

    3 Johani—Gamuchira vamwe zvakanaka.

    Judha—Tsunga kuita zvakanaka.

    Zvakazarurwa—Toudzwa nezveParadhiso.

    (KORASI)

    Bhaibheri ndiro bhuku gurusa.

    Jehovha ndiye Munyori waro.

    Ngatiriverenge, tiite zvirimo.

    Bhaibheri ndiro bhuku gurusa.