Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Akavimbika

Iva Akavimbika

Dhaunirodha:

  1. 1. Amai nababa vangu ka, vanonyatsondida.

    Nd’chavimbika kwavari vavimbe neni.

    Ndovaremekedza ndichivateerera

    Nekut’ Jehovha ati ndidaro.

    (KORASI)

    Tavimbika kuna Jehovha,

    Iye anofara nazvo.

    Tikavimbika kuna Jehovha,

    Achavimbika kwatiri.

  2. 2. Jehovha akandidzidzisa, saka ndichaedza

    Kuti afare pese pandinoedzwa.

    Ndinombosekwa, pamwe ndichitukwa.

    Ndichavimbika ndozvandafunga.

    (KORASI)

    Tikavimbika kuna Jehovha,

    Iye anofara nazvo.

    Ndikavimbika kuna Jehovha,

    Achavimbika kwandiri.

    Ndikavimbika kuna Jehovha,

    Achavimbika kwandiri.