Iva Akavimbika
Dhaunirodha:
1. Amai nababa vangu ka, vanonyatsondida.
Nd’chavimbika kwavari vavimbe neni.
Ndovaremekedza ndichivateerera
Nekut’ Jehovha ati ndidaro.
(KORASI)
Tavimbika kuna Jehovha,
Iye anofara nazvo.
Tikavimbika kuna Jehovha,
Achavimbika kwatiri.
2. Jehovha akandidzidzisa, saka ndichaedza
Kuti afare pese pandinoedzwa.
Ndinombosekwa, pamwe ndichitukwa.
Ndichavimbika ndozvandafunga.
(KORASI)
Tikavimbika kuna Jehovha,
Iye anofara nazvo.
Ndikavimbika kuna Jehovha,
Achavimbika kwandiri.
Ndikavimbika kuna Jehovha,
Achavimbika kwandiri.