Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Takakumirira

Takakumirira

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndakakumirira,

    Ndikuudze tunyaya.

    Ndoda kukuudza

    Zvakanaka zvekuita.

    Shamwari ndinokuda.

    Usatye ndini sisi vako.

    Chero tikambonetsana

    Ndokuda.

    (KORASI)

    Pamba pano ndepedu.

    Pane vanhu vanokuda.

    Mwari wedu ndiJehovha—

    Anokuda.

    Takakumirira.

  2. 2. Tinonyengetera,

    Baba vachakudzidzisa.

    Kana ukachema,

    Nyarara nhanha ahuhwe.

    Ndamirira kuti titambe.

    Tichanakidzwa kumahumbwe.

    Ini ndini sisi vako,

    Ndokuda.

    (KORASI)

    Pamba pano ndepedu.

    Pane vanhu vanokuda.

    Pauchaberekwa

    Tichafara. Tatogadzirira.

    Takakumirira.