Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinofarira Kunamata Kwemhuri

Tinofarira Kunamata Kwemhuri

Dhaunirodha:

  1. 1. Tinoda kudzidza nezvaJehovha

    Nevamwe vatingatevedzera!

    Kunamata kwemhuri kukasvika,

    Gadzikana usambononoke!

    (KORASI)

    Kunamata kwemhuri yedu

    Kunofadza Jehovha.

    Kunamata nevatinoda,

    Ndizvo zvatinonyatsofarira.

  2. 2. Patinodzidza tese pamwe chete,

    Tinopedza tichiri kungoda.

    Kudzidza kukatinakidza toti,

    To’da kudzidza mazuva ose!

    (KORASI)

    Kunamata kwemhuri yedu

    Kunofadza Jehovha.

    Kunamata nevatinoda,

    Ndizvo zvatinonyatsofarira.