Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Nerugare Munyika Ine Vanhu Vane Hasha

Iva Nerugare Munyika Ine Vanhu Vane Hasha

Dhaunirodha:

  1. 1. Ndinongogara ndichisangana nevanhu vane hasha.

    Zvinhu zvaoma vonetseka, mitoro yorema.

    Mushoko raJah ndoverenga: ‘Mira zvichanaka.’

    Kunyange zvaoma ndinokumbira rugare rwepfungwa.

    (KORASI)

    Rugare munyika ine hasha rwakaoma kuwana.

    Asi ukava narwo, ruchawedzera wapinda munyika itsva.

  2. 2. Ndatanga basa zvakanakisa, asi ndinonetseka.

    Zvikaoma, ndichadini? Ndinoda kungwarira.

    Zvatova pachena, nyika ino yazara uipi.

    Vangangotyisa, asi mwoyo yavo inodawo nyaradzo.

    (KORASI)

    Rugare munyika ine hasha rwakaoma kuwana.

    Asi ukava narwo, ruchawedzera wapinda munyika itsva!

    (BHIRIJI)

    Zvinotoda ushingi.

    Ramba uine rugare,

    Munyika ino yaparara.

    Mwari achakuchengeta.

  3. 3. Kupera kwevhiki toparidza, toenda pamba nemba.

    Tinosangana neakagumbuka, anotyisa seshumba.

    Tonzwa Bhaibheri rinotiudza: ‘Tibve murugare.’

    “Pasina huni, moto unodzima,” toenda nerugare.