Handisi Ndega
Dhaunirodha:
1. Ndarasirwa kure,
Ndasiyiwa ndega,
Tariro handichina,
Mudundundu ndogomera.
Hapana’nondinzwa,
Anonzwawo tsitsi;
Ndichanyaradzwa naani,
Andirerutsire m’toro?
(KORASI)
Handis’ ndega;
Kubva kare.
Nyange riini,
Nekuti Jah
Anoziva;
Anoona.
Anondinzwa;
Iye aneni.
Chero k’kauyei,
Handisi ndega.
2. Ndikarasikirwa
Nekuti nd’nokudai,
Chero anonditiza,
Imi hamumbondisiyi.
Muri pedyo neni,
Ham’si kure neni.
K’tenda kwangu, tariro—
Ham’zotarisiri pasi.
(KORASI)
Handis’ ndega;
Kubva kare.
Nyange riini,
Nekuti Jah
Anoziva;
Anoona.
Anondinzwa;
Iye aneni.
Chero k’kauyei,
Handisi ndega.
Kubva kare.
Nyange riini,
Nekuti Jah
Anoziva;
Anoona.
Anondinzwa;
Iye aneni.
Chero k’kauyei,
Handisi ndega.