Ndimi Vekwedu
Dhaunirodha:
1. Tich’svika m’ne imwe nyika,
Tafamba rwendo rurefu.
’bva zvatasim’ka,
NdiJehovha ari
Kutikomborera isu.
Basa ratinoita rakaoma,
Asi nderaJehovha.
Imi hama dzedu ndimi mhuri yedu
Yatinonyatsoda.
(KORASI)
Tir’ vaJehovha;
Takabatana, tiri mhuri’mwe.
Nyange tichibva kure-kure,
Tok’dai.
Ndimi vekwedu.
2. Ndege yedu ichidzika,
Manga matotimirira.
Gungano rotanga nemumhanzi,
Rudo rwedu rwokura.
Asi tinoziva ndiJehovha
Anoitisa zvese izvi.
Saka tichamukudza, tomuda nariini
Kwese kwatichasvika.
(KORASI)
Tir’ vaJehovha;
Takabatana, tiri mhuri’mwe.
Nyange tichibva kure-kure,
Tok’dai.
Ndimi vekwedu.
3. Toyambuka gungwa
Takananga kwatisingazivi.
Toparidza’ko uye towana
Vane mwoyo munyoro.
Rudo rwehama kuno kwatiri
Toita setir’ vekuno.
Ndosaka tichida hama dzedu chero
Kwatinenge tiri!
(BHIRIJI)
Tinodada
Tine mhuri chero kwatinoenda,
KuMali kuMexico,
KuJapan, kuJamaica.
(KORASI)
Tir’ vaJehovha;
Takabatana.
Nyange tichibva kure-kure,
Tok’dai.
Ndimi vekwedu.
Marudzi ese—
Takabatana, tiri mhuri’mwe.
Haumbotadzi kuzviona
Nekuti tiri mhuri yaJah!
Fiji, Tahiti, neNew Caledonia;
Navajo, Blackfoot, neCherokee;
Azerbaijan, Kazakhstan, neEstonia—
Tok’dai. Ndimi vekwedu.