Nyika Itsva
Dhaunirodha:
1. Chimbomira umbofungidzira.
Nechekure uko uno’na vana
Vachizvitambira
Pasina zviya zvataimbotya.
Nenyika ino ya’kuchengetwa
Nevanote’rera shoko raMwari:
‘Kusvika nek’singaperi’—
Kwave nerugare rwataitsvaga,
Iy’ achitida,
Mwana wake ari mambo
Tiri m’nyika itsva.
(KORASI)
Tariro moto mumwoyo.
Tariro inotitsigisa.
Sezuva inotivhenekera
Patinozviona
Tiri m’nyika itsva.
2. Chifungidzira panemba yedu
Mungava mubani chero mumakomo.
Apa ndoopeduwo.
Ona ndiani uyo asvika,
Wamukanganwa here?
Maoko atotambanudza
Mumbundirane—
Ava makore zviya mamuviga.
Mwari akunda
Kunyange rufu,
Tave m’nyika itsva.
(KORASI)
Tariro moto mumwoyo.
Tariro inotitsigisa.
Sezuva inotivhenekera
Patinozviona
Tiri m’nyika itsva.
(BHIRIJI)
Uye shoko rese ra...
Richaita zvaratumirwa.
Jehovha anoda ku—
Kugutsa chipenyu chiri chese.
(KORASI)
Tariro moto mumwoyo.
Tariro inotitsigisa.
Sezuva inotivhenekera
Patinozviona
Tiri m’nyika itsva,
Tiri m’nyika itsva,
Tiri m’nyika itsva,
Tiri m’nyika itsva.