Regerera Nemwoyo Wese
Dhaunirodha:
1. Nd’ne chigumbu. Chiri mumwoyo.
Handina mufaro zvandiremera.
Dai ndangozvikanganwa.
Ndofanira kuregerera,
Asi handina chandakatadza.
Shungu dziri kundikurira.
(SUMO YEKORASI)
Zvakuda kuti ndinyengetere.
Jehovha akazviona, anoziva.
Saka achandipa
(KORASI)
Simba ndizvisiye.
Handizvikwanisi ndiri ndega.
“Jehovha ndibatsirei;
Ndigoregerera.”
Achandidzidzisa
Kuregerera, sezvaanoita.
“Jehovha ndibatsirei;
Ndigorerera.”
Regerera.
2. Ndamboedza kuzvikanganwa,
Pasina nguva, zvinongodzoka.
Dai ndangozvikanganwa.
Ndofanira kuzvibvisa mumwoyo.
Ndoregerera nemwoyo wese.
Zvaramba ndazvitadza.
(SUMO YEKORASI)
Zvakuda kuti ndinyengetere.
Jehovha akazviona, anoziva.
Saka achandipa
(KORASI)
Simba ndizvisiye.
Handizvikwanisi ndiri ndega.
“Jehovha ndibatsirei;
Ndigoregerera.”
Achandidzidzisa
Kuregerera, sezvaanoita.
“Jehovha ndibatsirei;
Ndigorerera.”
Regerera.”
Regerera.
Regerera.
Regerera.