Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Shinga Usimbe

Shinga Usimbe

Dhaunirodha:

  1. 1. Kuchakasviba.

    Anomuka,

    Onyengeterera

    Vana vake

    Nehama dzedu:

    “Tibatsirei, baba.”

    Pazvinomuomera,

    Anoramba’ne tariro,

    Mutsa ha’kanganwi,

    Nerwiyo ruya—ha’kanganwi:

    (KORASI)

    ‘Nd’chakusimbisa.

    Usatombotye.

    Nd’change ndinewe.

    Nd’chakubatsira.’

    Chishinga usimbe.

    Ndo’rwiyo rwa’noda.

    “Achakutsigisa,

    Achakusimbisa.”

    (BHIRIJI)

    Oshanda nesimba

    Pabasa rake.

    Ha’zivi zvichamuka.

    Shamwari dzake

    Dzinonyatsomuda.

    Saka ha’mbonetseki.

  2. 2. Nesimba’no-

    bhururuka,

    Sa’mai vegondo.

    Mabasa’ke’se—

    Nguva hamboioni—

    Onyengetera mumwoyo.

    Muviri uchimurwadza,

    Anoedza nepa’nogona.

    Ndosaka’chida rwiyo ruya

    Rwa’singakanganwi:

    (KORASI)

    ‘Nd’chakusimbisa.

    Usatombotye.

    Nd’change ndinewe.

    Nd’chakubatsira.’

    Chishinga usimbe.

    Ndo’rwiyo rwa’noda.

    “Achakutsigisa,

    Achakusimbisa.”

    “Achakutsigisa,

    Achakusimbisa.”