RWIYO 11
Zvisikwa Zvinorumbidza Mwari
-
1. Mabasa makuru enyu Mwari,
Kumatenga, okurumbidzai.
Otaura pasina mashoko;
Achinzwika kwese, pasi pese.
Otaura pasina mashoko;
Achinzwika kwese, pasi pese.
-
2. Kukutyai kunotichenjedza
Kwotirinda pane zvatoita.
Mitemo yenyu inopa njere;
Ipfuma inopfu’ra ndarama.
Mitemo yenyu inopa njere;
Ipfuma inopfu’ra ndarama.
-
3. Hatichararamiri pasina;
Shoko renyu rotipa chinangwa.
Rukudzo rukuru ruchapiwa
Vese votsvenesa zita renyu.
Rukudzo rukuru ruchapiwa
Vese votsvenesa zita renyu.
(Onawo Pis. 12:6; 89:7; 144:3; VaR. 1:20.)