RWIYO 112
Jehovha, Mwari Werugare
-
1. Jehovha werudo,
Munotipa rugare.
Tipeiwo chibereko
Chemweya wenyu m’tsvene.
Nekutenda Kristu,
Uyo akavimbika,
Tinova shamwari dzenyu.
Tine rugare nemi.
-
2. Nemweya mutsvene,
Pamwe neShoko renyu,
Muri kutivhenekera
Munyika ine rima.
Dzamara tapinda
M’nyika isina hondo,
Mweya wenyu uve nesu
Tichengete rugare.
-
3. Vese vamunoda
Kudenga nepanyika,
M’novabatanidza pamwe
Vazivise Umambo.
NeUmambo hwenyu
Muchagumisa hondo.
Vanyoro vachazofara
Kugara murugare.
(Onawo Pis. 4:8; VaF. 4:6, 7; 1 VaT. 5:23.)