RWIYO 118
“Tiwedzereiwo Kutenda”
(Ruka 17:5)
-
1. Haiwa Jehovha zvatine chivi,
Mwoyo yedu inoda kutadza.
Pane chivi chinotipingirisha;
Kusava nekutenda mamuri.
(KORASI)
Jehovha, tiwedzerei kutenda,
Maererano nezvatinoda.
Tipei kutenda, inzwai nyasha,
Tigokukudzai nezviito.
-
2. Tisingatendi hatikufadzei.
Tinoziva kune mubayiro.
Tinodzivirirwawo nekutenda.
Hatityi kuti kunouyei.
(KORASI)
Jehovha, tiwedzerei kutenda,
Maererano nezvatinoda.
Tipei kutenda, inzwai nyasha,
Tigokukudzai nezviito.
(Onawo Gen. 8:21; VaH. 11:6; 12:1.)