RWIYO 128
Kutsungirira Kusvika Kumugumo
-
1. Zviri muShoko raMwari
Zvinopa ushingi.
Zvamakadzidza mukada,
Zvese ndezvechokwadi.
Simbiswai mukutenda,
Nekufunga mugumo.
Rambai makaperera,
Munatswe nemiedzo.
-
2. Musasiya rudo rwenyu,
Rungangotonhora.
Pasinei nemiedzo,
Rambai makatsunga.
Nyange youya miedzo,
Musatombotya zvenyu.
Jehovha anonunura,
NdiMwari ari pedyo.
-
3. Vese vanotsungirira
Ndivo vachapona.
Mazita avo onyorwa
Mubhuku zvakajeka.
Kutsungirira kwopedza
Basa rakwo, tikwane.
Mwari achakomborera,
Tichafara zvikuru.
(Onawo VaH. 6:19; Jak. 1:4; 2 Pet. 3:12; Zvak. 2:4.)