Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 142

Kubatisisa Tariro Yedu

Kubatisisa Tariro Yedu

(VaHebheru 6:18, 19)

  1. 1. Vanhu kwemakore vafamba murima.

    Vanovavarira kubata mhepo.

    Kukundikana kwavo kwazobuda;

    Havagoni kuponesana.

    (KORASI)

    Imbai muchifarira Ushe!

    Kutonga kwaJesu kwobvisa kutya.

    Achabvisa zvakaipa zvese;

    Itariro inotidzikamisa.

  2. 2. Tozivisa, ‘Zuva raMwari rasvika!’

    Vanhu havazoti: ‘Kusvika rini?’

    Achasunungura vanogomera.

    Ngatimuimbirei rwiyo.

    (KORASI)

    Imbai muchifarira Ushe!

    Kutonga kwaJesu kwobvisa kutya.

    Achabvisa zvakaipa zvese;

    Itariro inotidzikamisa.