Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 146

‘Kuita Kuti Zvinhu Zvese Zvive Zvitsva’

‘Kuita Kuti Zvinhu Zvese Zvive Zvitsva’

(Zvakazarurwa 21:1-5)

  1. 1. Mwari otonga to’na “zviratidzo.”

    Mwana wake ava pachigaro.

    Satani akadzingwa kudenga,

    Nepanyika ava kuzobviswa.

    (KORASI)

    Farai! Tende raMwari

    Rava pakati pevanhu.

    Hapachazovi nekurwadziwa

    Kusuruvara pamwe nekufa.

    She ati: ‘Zvese zvichava zvitsva.’

    Mashoko echokwadi.

  2. 2. Vanhu onai Jerusarema ’dzva,

    Mwenga weGwayana uchipenya.

    Akashonga mabwe anokosha,

    Jehovha ndiye chiedza chake.

    (KORASI)

    Farai! Tende raMwari

    Rava pakati pevanhu.

    Hapachazovi nekurwadziwa

    Kusuruvara pamwe nekufa.

    She ati: ‘Zvese zvichava zvitsva.’

    Mashoko echokwadi.

  3. 3. Vanhu vachafadzwa neguta iri,

    Masuwo aro haazovharwi.

    Marudzi achafamba m’chiedza,

    Tovaratidza chiedza chacho.

    (KORASI)

    Farai! Tende raMwari

    Rava pakati pevanhu.

    Hapachazovi nekurwadziwa

    Kusuruvara pamwe nekufa.

    She ati: ‘Zvese zvichava zvitsva.’

    Mashoko echokwadi.