RWIYO 146
‘Kuita Kuti Zvinhu Zvese Zvive Zvitsva’
-
1. Mwari otonga to’na “zviratidzo.”
Mwana wake ava pachigaro.
Satani akadzingwa kudenga,
Nepanyika ava kuzobviswa.
(KORASI)
Farai! Tende raMwari
Rava pakati pevanhu.
Hapachazovi nekurwadziwa
Kusuruvara pamwe nekufa.
She ati: ‘Zvese zvichava zvitsva.’
Mashoko echokwadi.
-
2. Vanhu onai Jerusarema ’dzva,
Mwenga weGwayana uchipenya.
Akashonga mabwe anokosha,
Jehovha ndiye chiedza chake.
(KORASI)
Farai! Tende raMwari
Rava pakati pevanhu.
Hapachazovi nekurwadziwa
Kusuruvara pamwe nekufa.
She ati: ‘Zvese zvichava zvitsva.’
Mashoko echokwadi.
-
3. Vanhu vachafadzwa neguta iri,
Masuwo aro haazovharwi.
Marudzi achafamba m’chiedza,
Tovaratidza chiedza chacho.
(KORASI)
Farai! Tende raMwari
Rava pakati pevanhu.
Hapachazovi nekurwadziwa
Kusuruvara pamwe nekufa.
She ati: ‘Zvese zvichava zvitsva.’
Mashoko echokwadi.
(Onawo Mat. 16:3; Zvak. 12:7-9; 21:23-25.)