RWIYO 149
Rwiyo Rwekukunda
-
1. Imbirai Jah. Zita rake iguru kwazvo.
VaIjipiti akavanyudza mugungwa.
Murumbidzei; Kunze kwake hakuna mumwe.
Iye ndiJehovha; Akakunda nesimba.
(KORASI)
Jehovha, Wemasimbaose,
Munongoramba makangodaro.
Ma’kuzotsvaira mhandu dzenyu,
Motsvenesa zita renyu.
-
2. Ona marudzi, ari kushora She Jehovha.
Vanopfu’ra Farao, asi vachakundwa.
Vachaparadzwa; Pahondo yeAmagedhoni.
Zita raJehovha, Vanhu vachariziva.
(KORASI)
Jehovha, Wemasimbaose,
Munongoramba makangodaro.
Ma’kuzotsvaira mhandu dzenyu,
Motsvenesa zita renyu.
(Onawo Pis. 2:2, 9; 92:8; Mar. 3:6; Zvak. 16:16.)