RWIYO 16
Rumbidzai Jehovha Nekuda kweMwana Wake, Muzodziwa
-
1. Mwari akazodza Jesu
Kuti atonge vanhu.
Iye anoruramisira,
Kuda kwaMwari kwoitwa.
(KORASI)
Vanhu rumbidzai Jehovha.
Rumbidzai Jesu Mambo,
Muchimutevera nguva dzese,
imi makwai ake.
Vanhu rumbidzai Jehovha
nekuda kweMuzodziwa.
Akazodzerwa kuti akudze
zita dzvene raMwari.
-
2. Hama dzaKristu dzodanwa.
Dzinoberekwa patsva.
Vachatonga semadzimambo
Vagounza Paradhiso.
(KORASI)
Vanhu rumbidzai Jehovha.
Rumbidzai Jesu Mambo,
Muchimutevera nguva dzese,
imi makwai ake.
Vanhu rumbidzai Jehovha
nekuda kweMuzodziwa.
Akazodzerwa kuti akudze
zita dzvene raMwari.
(Onawo Zvir. 29:4; Isa. 66:7, 8; Joh. 10:4; Zvak. 5:9, 10.)