RWIYO 33
Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha
-
1. She Jehovha ndinzweiwo.
Ndiri kukutsvagai.
Mweya wangu warwadziwa;
Ndisimbisei Mwari.
(KORASI)
Kanda mutoro pana Jah;
Vimba naye akuponese.
Ha’mboregi kukurwira;
Iye akatendeka.
-
2. Dai ndine mapapiro,
Ndaitizira kure,
Kwandisingakuvadzwi
Nevaya vanondivenga.
(KORASI)
Kanda mutoro pana Jah;
Vimba naye akuponese.
Ha’mboregi kukurwira;
Iye akatendeka.
-
3. Kunyaradza kwaJehovha,
Kunotipa rugare.
Totakura zvinorema
Tichibatsirwa naye.
(KORASI)
Kanda mutoro pana Jah;
Vimba naye akuponese.
Ha’mboregi kukurwira;
Iye akatendeka.
(Onawo Pis. 22:5; 31:1-24.)