Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 34

Kufamba Ndakavimbika

Kufamba Ndakavimbika

(Pisarema 26)

  1. 1. Nditongei henyu She Jehovha,

    Ndinovimba nemi; ndakapererawo.

    Ndiongororei mundiedze;

    Natsai mwoyo wangu, ndikomborerwe.

    (KORASI)

    Asi ini, ndichatsunga kwazvo

    kuramba ndichifamba ndakaperera.

  2. 2. Handimbogari nevanonyepa.

    Handifambi nevanoshora chokwadi.

    Musandiparadze pamwe navo,

    Vane uori nevanoda zvekurwa.

    (KORASI)

    Asi ini, ndichatsunga kwazvo

    kuramba ndichifamba ndakaperera.

  3. 3. Imba yenyu ndinonyatsoida.

    Kunamatwa kwenyu, ndichakutsigira.

    Atari yenyu ndotenderera,

    Kuonga kwangu ndichakushevedzera.

    (KORASI)

    Asi ini, ndichatsunga kwazvo

    kuramba ndichifamba ndakaperera.

(Onawo Pis. 25:2.)