RWIYO 52
Kuzvitsaurira kwechiKristu
-
1. Jehovha zvaari iye
Musiki wezvese,
Pasi nedenga ndezvake,
Zvakaitwa naye.
Akafemera upenyu;
Zvisikwa zvoona
Kukodzera kwake kukudzwa
Pamwe nekunamatwa.
-
2. She paakabhabhatidzwa
Akanyengetera:
‘Ndauya kuti ndiite
kuda kwenyu Mwari.’
Akabuda muJodhani,
Ava muzodziwa.
Akati kuna Baba vake:
‘Kuda kwenyu kuitwe.’
-
3. Tauya kwamuri Mwari,
Tokurumbidzai.
Tinozviramba zvachose,
Tozvitsaurira.
Makatipa dangwe renyu
Kutidzikinura.
Hatichambozviraramiri,
Toraramira imi.
(Onawo Mat. 16:24; Mako 8:34; Ruka 9:23.)