Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

RWIYO 55

Musavatye!

Musavatye!

(Mateu 10:28)

  1. 1. Vanhu vangu musamire

    Kuparidza Umambo.

    Musamutye muvengi.

    Vanoda ngavaudzwe

    Kuti Kristu akakanda

    Satani pano pasi,

    A’kuzosunga muvengi,

    Nhapwa dzosunungurwa.

    (KORASI)

    Usavatye, mudikani,

    Usambovhundutsirwa;

    Ndichakuchengeta kunge

    Mboni yeziso rangu.

  2. 2. Nyange mungatyisidzirwa

    Nevavengi vazhinji,

    Vachiseka zvenhema

    Zvekukunyengerai.

    Murwi wangu usavatye,

    Kutambudzwa kwanyanya,

    Vakatendeka ndinavo

    Kusvikira kum’gumo.

    (KORASI)

    Usavatye, mudikani,

    Usambovhundutsirwa;

    Ndichakuchengeta kunge

    Mboni yeziso rangu.

  3. 3. Usatye kukanganwika;

    Ndichiri simba rako.

    Ungafire mubasa,

    Asi ndichakumutsa.

    Usavatye, havagoni

    Kutadzisa rumuko.

    Urambe wakatendeka;

    Ndikupe mubayiro!

    (KORASI)

    Usavatye, mudikani,

    Usambovhundutsirwa;

    Ndichakuchengeta kunge

    Mboni yeziso rangu.