RWIYO 56
Ita Kuti Chokwadi Chive Chako
-
1. Nzira yechokwadi inopfu’ra dzese,
Asi anosarudza ndiwe.
Saka teerera zano raJehovha.
Bvuma zvaanokuudza.
(KORASI)
Bvuma chokwadi.
Chioneke nezvi’to.
Mwari akupe
M’faro, waita
Chokwadi chive chako.
-
2. Nguva nesimba rauri kushandisa
Mubasa iri reUmambo
Zvichakupa upenyu husingaperi;
Upenyu hwakanakisa.
(KORASI)
Bvuma chokwadi.
Chioneke nezvi’to.
Mwari akupe
M’faro, waita
Chokwadi chive chako.
-
3. Kuna Jehovha takaita sevana,
Tinoda kutungamirirwa.
Saka famba naMwari mazuva ese,
Iye akukomborere.
(KORASI)
Bvuma chokwadi.
Chioneke nezvi’to.
Mwari akupe
M’faro, waita
Chokwadi chive chako.
(Onawo Pis. 26:3; Zvir. 8:35; 15:31; Joh. 8:31, 32.)