RWIYO 79
Vadzidzisei Kumira Vakasimba
-
1. Patinodzidzisa makwai,
Tofara achikura.
Ndimi munoatungamira
Kuti ade chokwadi.
(KORASI)
Jehovha, She tinzweiwo,
Muvarinde setunhiyo.
Muzita raJesu, toti: Ngavakunde;
Ngavamire vakasimba.
-
2. Taivanyengetererawo,
Paiuya miedzo.
Nerudo taivadzidzisa;
Iye zvino vasimba.
(KORASI)
Jehovha, She tinzweiwo,
Muvarinde setunhiyo.
Muzita raJesu, toti: Ngavakunde;
Ngavamire vakasimba.
-
3. Dai varamba vachivimba
Nemi uye naJesu.
Vatsungirire, vate’rere,
Vazowana upenyu.
(KORASI)
Jehovha, She tinzweiwo,
Muvarinde setunhiyo.
Muzita raJesu, toti: Ngavakunde;
Ngavamire vakasimba.
(Onawo Ruka 6:48; Mab. 5:42; VaF. 4:1.)