RWIYO 81
Upenyu hwaPiyona
-
1. Panotanga zuva; risati rabuda,
Tinobuda mumba
meso ane hope, totenda.
Tinonyemwerera munhu wese zvake.
Vamwe vombomira,
vamwe vodarika, tiripo.
(KORASI)
Ndizvo zvatinoda;
Kuraramira She.
Chero zvaanoda tozvi’ta.
Tinotsungirira,
Zuva kana mvura.
Neizvi totaura kuti: “Ndokudai.”
-
2. Panopera zuva, zuva ra’kunyura,
Tofara, taneta,
mwoyo wotutuma, totenda.
Ndozviri pamwoyo, kupa zvese zvedu.
Totenda Jehovha,
otikomborera zvikuru.
(KORASI)
Ndizvo zvatinoda;
Kuraramira She.
Chero zvaanoda tozvi’ta.
Tinotsungirira,
Zuva kana mvura.
Neizvi totaura kuti: “Ndokudai.”
(Onawo Josh. 24:15; Pis. 92:2; VaR. 14:8.)