RWIYO 87
Uyai Muzorodzwe!
-
1. Tiri munyika isingadzoreki;
Haizivi nezvaMwari.
Tinoda kutungamirwa naMwari;
Hatingambokundi tega.
Misangano yedu inozorodza;
Inosimbisa kutenda.
Inotikurudzira zvakanaka,
Uye inotipa simba.
Inotidzidzisa zvakarurama;
Tinobva tada chokwadi.
Hatizoregi zvinoda Jehovha;
Tichaita kuda kwake.
-
2. Jehovha anoziva zvatinoda;
Ngatimuteererei.
Ngatitenge nguva yekuungana
Tiratidze uchenjeri.
Patinodzidziswa nehama dzedu,
Ticharatidza kutenda.
Tinoziva kuti hatisi tega,
Hama dzinotitsigira.
Tichimirira nguva iri nani,
Ngatiunganei nadzo.
Tinobva tadzidziswa kurarama
Neuchenjeri hwaMwari.
(Onawo Pis. 37:18; 140:1; Zvir. 18:1; VaEf. 5:16; Jak. 3:17.)