Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rwiyo 148

Makatipa Mwanakomana Wenyu

Makatipa Mwanakomana Wenyu

Dhaunirodha:

(Johani 15:13)

  1. Jehovha, takanga,

    Tisina tariro.

    Nerudzikinuro

    Tine tariro!

    Tokushumirai,

    Zvichibva pamwoyo.

    Toudzawo vamwe,

    Nezvekuda kwenyu.

    (KORASI)

    Makatipa Jesu,

    Tichaimba pamwe,

    Rwiyo rwatinoimba,

    makatipa mwana wenyu.

  2. Nemutsa, nengoni,

    Tova pedyo nemi.

    Ushamwari nemi,

    Tohufarira.

    Kupfuura zvose

    Ndicho chipo chenyu.

    Akabva kudenga.

    Akafira vose.

    (KORASI)

    Makatipa Jesu,

    Tichaimba pamwe,

    Rwiyo rwatinoimba,

    makatipa mwana wenyu.

    (MHEDZISO)

    She Jehovha, Baba, makaita zvenyu.

    Tinokutendai nokupa mwana wenyu.