Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rwiyo 149

Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

Kutenda Kudzikinurwa Kwatakaitwa

Dhaunirodha:

(Ruka 22:20)

  1. Jehovha takamira,

    pamberi penyu,

    Makaratidza rudo

    rwukuru zvikuru.

    Kupa Mwana wenyu,

    kuti tirarame.

    Hapana chinopfu’ra chipo

    chamakapa.

    (KORASI)

    Akapa upenyu hwake.

    Tosunungurwa neropa.

    Ticharamba,

    tichikutendai nariini.

  2. Jesu akazvipira

    kupa upenyu.

    Nerudo, akapa upenyu

    hwakakwana.

    Tisina tariro

    Akatiponesa.

    Tariro yedu upenyu,

    rufu rusipo.

    (KORASI)

    Akapa upenyu hwake.

    Tosunungurwa neropa.

    Ticharamba,

    tichikutendai nariini.