RAMBAI MAKAMUKA!
2022: Gore Rakanga Rizere Nematambudziko—Bhaibheri Rinomboti Kudii?
Muna 2022, munhau makanga makazara nyaya dzehondo, kusagadzikana kwezvinhu panyaya dzeupfumi, uye njodzi dzinongoitika dzega. Bhaibheri chete ndiro rinokwanisa kutitsanangurira kuti zvinhu zvese izvozvo zvinomborevei.
Zvakaitika muna 2022 zvinorevei?
Zvinhu zvakaitika muna 2022 zvinonyatsoratidza pachena kuti tiri kurarama panguva inonzi neBhaibheri ‘mazuva ekupedzisira.’ (2 Timoti 3:1) Nguva iyoyo yakatanga mugore ra1914. Ona kuti zvinhu zvanga zvichiitika zvinoenderana sei nezvakagara zvataurwa neBhaibheri kuti zvaizoitika panguva ino yatiri kurarama:
‘Hondo.’—Mateu 24:6.
“Gore ra2022 Ndiro Gore Iro Vanhu vemuEurope Vakatangazve Kusangana Nematambudziko Anokonzerwa neHondo.” a
Ona nyaya yakanzi “Russia Inorwisa Ukraine.”
‘Nzara.’—Mateu 24:7.
“2022: Gore Renzara Huru.” b
Ona nyaya yakanzi “Hondo yekuUkraine Yakonzera Kushomeka Kwezvekudya Pasi Rese.”
‘Matenda.’—Ruka 21:11.
“Chirwere chepolio chakatangazve, chirwere chemonkeypox chakabata vanhu vakawanda uye chirwere cheCOVID-19 chiri kuramba chichivhiringidza zvinhu zvakawanda. Izvi zvinonyatsoratidza kuti zvirwere zvinotapukira zvine ngozi uye kuti zviri nyore chaizvo kuti vanhu vabatwe nazvo.” c
Ona nyaya yakanzi “Vanhu 6 Miriyoni Vakafa neCOVID.”
‘Kuonekwa kwezvinhu zvinotyisa.’—Ruka 21:11.
“Kupisa zvakanyanya, kusanaya kwemvura, moto inoparadza masango, uye mafashamo. Ticharamba tichingoyeuka mwedzi yechirimo cha2022 nemhaka yekuti mamiriro ekunze akanga asina kugadzikana. Mamiriro ekunze iwayo akaparadza zvinhu zvakawanda, zviuru zvevanhu zvakafa uye mamiriyoni evanhu pasi rese akasara asisina pekugara.” d
Ona nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupisa Zvakanyanya Kwemamiriro Ekunze Kuri Kuitika Pasi Rese.”
‘Mhirizhonga’ [kana kuti, “kupandukirana,” mashoko emuzasi.].”—Ruka 21:9.
“Muna 2022 vanhu vakawanda vakaratidzira vachishora hurumende dzavo nemhaka yekusagadzikana kwezvinhu panyaya dzeupfumi, kunyanya nechikonzero chekukwira kuri kuita mitengo yezvinhu.” e
Ona nyaya yakanzi “Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekukwira Kwemitengo Yezvinhu Pasi Rese.”
Chii chichaitika gore rinouya?
Hapana anonyatsoziva zvichaitika muna 2023. Chatinongoziva ndechekuti munguva pfupi iri kuuya, Umambo hwaMwari, kana kuti hurumende yekudenga, huchapindira hwochinja zvinhu zvakawanda panyika. (Dhanieri 2:44) Hurumende iyoyo ichabvisa zvinhu zvese zvinoita kuti vanhu vatambure yoita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika.—Mateu 6:9, 10.
Tinokukurudzira kuti uteerere zano raJesu Kristu rekuti ‘urambe wakarinda’ uchiona kuti zvinhu zviri kuitika munyika zviri kuzadzisa sei uprofita hweBhaibheri. (Mako 13:37) Tinokukumbira kuti utinyorere kuti udzidze zvakawanda nezvekuti Bhaibheri ringakubatsira sei iye zvino uye kuti ringaita sei kuti iwe nemhuri yako muve netariro yekuva neramangwana rakanaka.
a AP News, “2022 Was Year the Horror of War Returned to Europe,” by Jill Lawless, December 8, 2022.
b World Food Programme, “A Global Food Crises.”
c JAMA Health Forum, “Living in an Age of Pandemics—From COVID-19 to Monkeypox, Polio, and Disease X,” by Lawrence O. Gostin, JD, September 22, 2022.
d Earth.Org, “What’s Behind the Record-Breaking Extreme Weather Events of Summer 2022?” by Martina Igini, October 24, 2022.
e Carnegie Endowment for International Peace, “Economic Anger Dominated Global Protests in 2022,” by Thomas Carothers and Benjamin Feldman, December 8, 2022.